Accessibility links

Breaking News

Sangano ReFIFA Ropa ZIFA Mari Inosvika US 650 000 Kuti Irandudze Nhabvu


Acting Chief Executive veZimbabwe Football Association, vaJonathan Mashingaidze, vanoti sangano rinomirira nhabvu pasi rose, re FIFA, richapa ZIFA mari inodarika 650 thousand dollars gore rinouya kuti sangano iri risimbaradze nhabvu yemadzimayi uye yevechidiki.

VaMashingaidze vanoti nhengo dze FIFA dzakange dziri munyika svondo rapera pamusango mukuru waitwa kuKariba kubva musi we Chishanu kusvika nezuro manheru.

Nyaya yemari iyi inyaya yawuya panguva apo sangano re ZIFA range rakatarisana nenyaya dzakawanda idzo dzinonzi dzange dzichidzosera mutambo wenhabvu kumashure. Vanowongorora nhabvu vanoti mari iyi ikashandiswa nemazvo ingabastire kusimudzira uye kusimbaradza mutambo uyu munyika.

XS
SM
MD
LG