Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inowana Tsigiro Kubva ku World Federation of Diamond Bourses


Mutungamiriri we WFDB va Avi Paz, vati nyaya iyi inofanira kugadzirwa nechimbi chimbi nekuti kusawirirana pakati penhengo dzeku Africa, China ne India dzichiti Zimbabwe ngaibvumidzwe kutengesa mangoda ayo zviri pamutemo, nenyika dzekumaviririra dzichiti ngaisabvumidzwe nekuti pane zvizhinji, kunyanya nyaya yekodzero dzevanhu, zvisati zvagadziriswa kwaMarange zvave kukanganisa chimiro cheKP

Sangano re World Federation of Diamond Bourses (WFDB) rinoti musangano we Kimberley Process unofanira kupa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo ekwa Marange zviri pamutemo nekuti kusawirirana pakati penhengo dze KP panyaya ye Zimbabwe kuri kukanganisa Kimberley Process pachayo uye bhizimisi remangoda pasi rose.

Mutungamiriri we WFDB va Avi Paz, vati nyaya iyi inofanira kugadzirwa nechimbi chimbi nekuti kusawirirana pakati penhengo dzeku Africa, China ne India dzichiti Zimbabwe ngaibvumidzwe kutengesa mangoda ayo zviri pamutemo, nenyika dzekumaviririra dzichiti ngaisabvumidzwe nekuti pane zvizhinji, kunyanya nyaya yekodzero dzevanhu, zvisati zvagadziriswa kwaMarange zvave kukanganisa chimiro cheKP.

Zimbabwe inoti yaita zvose zvinodiwa ne KP asi nyika dzakaita se America, Britain, Canada ne dzimwe dzakatemera Zimbabwe zvirango ndidzo dzisiri kuda kuti ipihwe mvumo.

VaGift Chimanikire ndivo mutevedzeri ve gurukota rezvemigodhi. Va Chimanikire vanoti Zimbabwe yaita zvose zvinodiwa ne Kimberley saka inofanira kupihwa mvumo yekutengesa kuti nyika iwane mari yekubhadhara vashandi vehurumende nezvimwe zvakadaro.


Executive director ve Centre for Research and Development in Mutare, VaFarai Maguwu vanoti havawirirani ne WFDB kuti Zimbabwe iwane mvumo yekutengesa chimbi chimbi nekuti zvinhu hazvisati zvanyatsogadziriswa. Kasi Va Maguwu vanoti chimiro che Kimberley hachisisina kumira zvakanaka nenyaya ye Zimbabwe.

XS
SM
MD
LG