Accessibility links

Breaking News

Sangano re Ropa Rofadzwa Nekubuda Kwevanhu Kupa Ropa


Sangano iri rinoti richiri kukurudzira vechikuru kuti vaitewo sezviri kuitwa nevechidiki avo vari kupa ropa muchirongwa ichi

Sangano re National Blood Service rinoti vanhu vazhinji munyika vari kutambira chikumbiro charo kuti vape ropa munzvimbo dzakasiyana siyana.

Sangano iri rinoti richiri kukurudzira vechikuru kuti vaitewo sezviri kuitwa nevechidiki avo vari kupa ropa muchirongwa ichi.

Mwedzi wapera, National Blood Services yakaparura chirongwa chekukurudzira vanhu kuti vape ropa pachena nekuti dura reropa rakadzikira zvakanyanya, uye mutengo weropa uri pamusoro.
Sangano iri rinoda 130,000 pints dzeropa mumakore matatu ari kutevera.

Va Emmanuel Masvikeni ndivo mutauriri we National Blood Service. Va Masvikeni vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kuramba vachinopa ropa pama kirinika ari padyo navo kunyangwe hazvo chirongwa che Valentines chekupa ropa chakapera.

XS
SM
MD
LG