Accessibility links

Breaking News

Sangano re IDASA Rinoti Hurumende Yemubatanidzwa Ingangopera Gore Rino


IDASA inoti ZANU-PF ichaedza zvese zvainokwanisa kuita kuti sarudzo idzi dzinge dziine mhirizhonga, asi isingasviki pana 2008 kuti dzitambirwe nepasi rose.

Sangano re Institute for Democracy mu South Africa kana kuti IDASA rinoti nyika dze SADC dzinofanira kubatana nenyika dzepasi rose kutaura nezwi rimwe chete vachiudza mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasaita sarudzo gore rino pasina zvinhu zvizhinji zvagadziriswa kuti sarudzo idzi dzinge dzakachena.

IDASA inoti ZANU-PF ichaedza zvese zvainokwanisa kuita kuti sarudzo idzi dzinge dziine mhirizhonga, asi isingasviki pana 2008 kuti dzitambirwe nepasi rose.

Muzvare Karen Alexander we IDASA vaudza Studio 7 kuti SADC inofanira kuita hurukuro nemauto eZimbabwe kuti vatambire zvinenge zvabuda musarudzo.

Va Charles Mangongera inyanzvi mune zvematongerwe enyika. Vanoti kunyangwe hazvo vachibvumirana ne IDASA, havawoni ZANU-PF ichikwanisa kuti nyika iite sarudzo gore rino kunyangwe zvazvo vatontanga kugadzirira sarudzo dzingangoitwa gore rinouya richitanga.

XS
SM
MD
LG