Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeAffirmative Action Group Dzopesana


Vakuru ve AAG mu Bulawayo vanoti ivo nevamwe vavo hapana chavakawana mune zvimwe zvirongwa zvekutora hupfumi huchipihwa vatema munyika kubva kutanga kwakaita AAG.

Chirongwa chehurumende chekuendesa hupfumi kuvatema chiri kukonzera kusawirirana kukuru musangano re Affirmative Action Group, kana kuti AAG.

Vakuru ve AAG muBulawayo vanoti ivo nevamwe vavo hapana chavakawana mune zvimwe zvirongwa zvekutora hupfumi huchipihwa vatema munyika kubva kutanga kwakaita AAG.

Zvinonzi vakuru veAAG munyika vakanyora tsamba vachiudza nhengo dze AAG munyika kuti vatange kutsvaga makambani avangada kuitira kuti vatore zvimwe zvikamu zvemakambani aya.

Vaimbova mukuru we AAG muBulawayo, VaMatsen Hlalo, vanoti AAG muBulawayo haisi kuzotsigira hurongwa hutsva huri kurongwa uhu, sezvo vanhu vakaita savana Phillip Chiyangwa nevamwe vavo, ndivo chete vashoma vakaita hupfumi kuburikidza nezvirongwa zvakadai.

Va Hlalo vanoti sangano ravo muBulawayo rinototsigira chete hurongwa uhu kana huchiitwa pachena zvisina huori nechitsotsi mukati.

VaChiyangwa vanoti vari kushamisika zvikuru nemashoko aVaHlalo avo vati vava kutaura mashoko akadai sezvo vava nhengo yerimwe remapato ari muhurumende yemubatanidzwa. VaChiyangwa varambawo kuti havana kuzvipfumisa pasi pechirongwa cheAAG.

XS
SM
MD
LG