Accessibility links

Breaking News

Sangana ReZimbabwe Football Association Rosangana Kuti Rizeye Nyaya YeMurairidzi Mutsva WeMaWarriors


Sangano rinomirira nhabvu munyika, reZimbabwe Football Association, (ZIFA), raitai mumusangano mukuru muHarare nhasi manheru wekuzeya nyaya yemurairidzi mutsva wechikwata che Zimbabwe Warriors, zvichitevera kunyimwa kwakaitwa Tom Saintfiet mvumo yekushanda munyika mwedzi wapfuura.

Hazvisati zvazivikanwa kuti chiyi chichabuda pamusangano uyu.

Vanoongora mitambo yenhabvu vanoti zifa ingangodaidza varaidzi vakaita sa Charles Mhlauri kuti vadzoke munyika kuzobatsira chikwata chikuru chenyika. Mhlauri ari kugara kuno ku America uko ari kurairidza nhabvu.

Mune imwewo nyaya, mitambo ye premier soccer league yasara yava mishoma kuti mwaka wenhabvu upere.

Vanoongorora nhabvu munyika vanoti makwikwi egore rino achanakidza sezvo Motor Action ne Dynamos dziri kurwisa zvikuru kuti dzitore mukombe uyu gore rino.

Motor Action pari zvino ine 58 points, ichiteverwa ne Dynamos.

Muwongorori wenhabvu Omega Sibanda, anotipa maonero ake mamiriro eleague parizvino.

XS
SM
MD
LG