Accessibility links

Breaking News

SADC Yoshorwa neKuongorora Sarudzo dzekuZambia paDandemutande


VaHakainde Hichilema vebato rinopikisa re United Party for National Development

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kushora danho rakatorwa nebazi rinoona nezve runyararo mugungano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSouthern African Development Community (SADC) Organ on Politics, Defense and Security Cooperation rekuti kushandiswe madandemutande mukuongorora sarudzo dzeekuZambia idzo dziri kutarisirwa kuitwa svondo rinouya.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano rinoongorora kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica reAmnesty International, VaRobert Shivambu vaudza Studio7 kuti Zambia ine nhoroondo yekumbunyikidza vanopikisana.

Sezvo gungano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica ratora danho rekuongorora sarudzo iyi kuchishandiswa matandemutande, VaShivambu vanoti vanokumbirisa kuti hurumende yeZambia iremekedze kodzero dzevanhu nokuti ndiko chete kungaita kuti kuve nesarudzo yejekerere.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu uye vari mukuru anoona nezve kufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Network for Social Justice kana kuti ZimJustice, VaTendai Mbofana vanoti dai Zambia yatevedzerawo zvinoitwa neSouth Africa munguva yesarudzo.

Sachigaro wekomisheni inoona nezvesarudzo muSouth Africa VaGlen Mashinini vaudza vatori venhau nhasi kuti vari kuzokumbira kumatare kuti sarudzo dzemumatunhu dzange dzichifanira kuitwa munaGumiguru wegore rino dzizoitwa muna Kukadzi gore rinouya senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Panguva ino yedenda reCOVID-19, VaMbofana vanotiwo vanoongorora sarudzo vakafanirwa kuti vave munyika iyi kuitira kuti vaone kuti vanhu vapihwa mikana yakaenzana pakutsvaga rutsigiro.

Asi gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana, VaLemogang Kwape, avo vchange vakatungamira chikwata cheSADC Troika on Politics chinosanganisira vakuru munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe neSouth Africa, vanoti danho iri ratorwa nokuti COVID-19 iri kupararira zvinotyisa mudunhu.

Vanoona nezve kuburitswa kwemashoko mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Constance Chemwayi, avo vaudza Studio7 kuti mukuru weMulti-Lateral Affairs, VaRaphael Vharamisi ndivo vadomwa negurukora rinoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava kuti vatungamirire chikwata cheZimbabwe chiri kuongorora sarudzo dzekuZambia idzi, vanoti kushandiswa kwematandemutande mukoongorora sarudzo hachizi chinhu chitsva.

Sachigaro webazi rinoona nezverunyararo mudunhu reSADC uye vari mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vakazivisa mukutanga kwesvondo rino kuti ongororo yesarudzo idzi yakatanga neMuvhuro uye inotarisirwa kupetwa musi wa14 Nyamavhuvhu.

Zvinhu muZambia zvinonzi hazvina kugadzikana pamberi pesarudzo dzemusi weChina 12 Svondo rinouya idzi sezvo paine kurwisana pakati pevatsigiri vemutungamiri wenyika VaEdgar Lungu vebato rePatriotic Front nevanotsigira vari kuvapikisa zvine mutsindo VaHakainde Hachilema vebato reUnited Party for National Development.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG