Accessibility links

Breaking News

Sachigaro weveChidiki weMDC T kuZaka East Orohwa neVanofungidzirwa Kuti Vatsigiri veZanu-PF


Vechidiki VeMDC T
Vechidiki VeMDC T

Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vakasangana kumba kwaVaTsvangirai muHarare vhiki rapera, mhirizhonga pakati pevatsigiri vavo inonzi iri kuramba ichienderera mberi kune dzimwe nzvimbo.

Sachigaro wevechidiki weMDC T ku Zaka East VaAmos Kumire, vanonzi varohwa zvakaipisisa nhasi mangwanani nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki vebato reZANU PF.

VaKumire vanonzi vamhanyiswa kuchipara nevakuru vebato ravo mudunhu reZaka mushure mekurohwa kwavaitwa.

Hatina kukwanisa kubata mapurisa kana veZanu-PF kuti tinzwe divi ravo. Asi imwe nhengo yeMDC vari kanzura mudhorobha reMasvingo VaGodfrey Kurauone vaudza Studio 7 kuti mangoromera haavake musha uye vanhu vanofanira kugara murunyararo.

Vatiwo zvinovashamisa kuti VaMnangagwa vari kuparidza runyararo asi bato ravo rinoramba richionekwa richitanga kurwisa vanopikisa sezvaitika husiku hwanhasi.

Hurukuro naVaGodfrey Kurauone
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG