Accessibility links

Breaking News

Magweta aMuzvare Rushwaya Obvunzurudza Zvakadzama Mapurisa Mudare


Henrieta Rushwaya in court on Wednesday in Harare. (Photo: Thomas Chiripasi)
Henrieta Rushwaya in court on Wednesday in Harare. (Photo: Thomas Chiripasi)

Magweta aMuzvare Henrietta Rushwaya nevamwe vavo vana, aenderera mberi nekubvunzurudza mupurisa ari kuferefeta nyaya yekunzi vasungwa ava vaida kuburitsa goridhe munyika zviri kunze kwemutemo.

Mupurisa uyu, Detective Chief Inspector Michael Chibaya, vabvuma kuti hapana pakataurwa naVaGift Karanda pakasungwa Muzvare Rushwaya kuti goridhe rakawanikwa riina Muzvare Rushwaya raive remudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, nemwana wavo Collins Mnangagawa.

VaChibaya vati pane kuchinjwa kwakaitwa mapepa aizounzwa kudare nemamwe mapurisa akatosungwa nenyaya iyi.

Vati musori anoshanda achichengeta mutungamiri wenyika, VaStephen Tserayi, vakavhiringidza kuferefetwa kwaiitwa nemapurisa kubudikidza nekubvisa humbowo hwakange hwabatwa nemapurisa hwavasina kutaura kuti ndehupi pamwe nekubvisa zvakare mamwe mashoko muzvinyorwa zvemapurisa zvaizoita kuti nyaya iyi ishaye simba mumatare.

Vachibvunzwa kuti VaAli Mohamad, avo vane kambani yeAli Japan 786 inonzi ndiyo yakagadzira mapepa anonzi akawanikwa aina Muzvare Rushwaya, vakapinzwa munyaya iyi papi naMuzvare Rushwaya, VaChibaya vati mapepa ekupomera vasungwa mhosva akatambwa tambwa nawo asi tsvagiridzo yavo semapurisa yakauburitsa pachena kuti Muzvare Rushwaya vaishanda nevanhu vakawanda kusanganisira VaMohamad kuita chikiribidi chekuti vaburitse goridhe iri munyika zvisiri pamutemo.

Rimwe remagweta evasungwa ava, VaTinashe Tanyanyiwa, vaudza dare kuti VaChibaya havakodzere kuti vauye mudare kuzopikisa chikumbiro chekuti vasungwa ava vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo pavanga vachipindura mibvunzo vanga vachiti havana mhinduro sezvo vachiti vakazobatira nyaya iyi padenga.

Nyaya iyi yakatarisirwa kuenderera mberi neChina VaChibaya vachibvunzurudzwa nemagweta evasungwa.

Nyaya iyi yakabuda pachena mushure mekubatwa kwakaitwa Muzvare Rushwaya vaine goridhe rairema makirogiramu matanhatu panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport neMuvhuro svondo rapera vachida kuenda negoridhe iri kuDubai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG