Accessibility links

Breaking News

Pfuti Dzorira kuChegutu Musarudzo dzeZanu PF


Kwaita mhirizhonga nekuridzwa kwepfuti pedyo nekiriniki yeChinengundu muChegutu apo vatsigiri venhengo dzebato reZanu PF dziri kukwikwidza musarudzo dzanga dzichitatsurana.

Nhengo dzebato reZanu PF dziri kutsigira mumiriri weChegutu muparamende, VaDexter Nduna, dzarovana nevari kuvakwikwidza, VaKisto Jabangwe, pari kuvhoterwa sarudzo ye primary muChegutu Central.

Vaona mhirizhonga ichiitika vanoti VaNduna pavaona kuti vave kukundwa musarudzo apo panga poverengwa mavhoti, vabuda panze kunotora hofori dzevarume avo vasvikorova vanhu vanga vachiitisa sarudzo.

Zvinonzi dzimwe nhengo dzinotsigira VaJabangwe dzadzoserawo.

Zvinonzi VaNduna pavaona kuti ivo nevanhu vavo vave kurohwa, vaburitsa pfuti ndokuridzira mudenga.

Mapurisa azouya ndokusvikokanda zvombo zvehutsi hunokachidza vachiedza kuparadza kurwisana uku.

VaNduna vabvuma kuti varidza pfuti mudenga vachiti vaita izvi vachidzivirira vanhu vanga vachida kurova vatsigiri vavo.

Patataura navo, VaNduna vanga vasina kusungwa vakaudza Studio7 kuti vachiri kuverenga mavhoti.

Zvichakadaro, sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaZiyambi Ziyambi, vakunda VaElvis Mareverwa musarudzo yemuZvimba West.

Vaimbove gurukota rezveminda, VaDouglas Mombeshora, vakundwa naAmai Precious Chinhamo Masanga, asi VaMombeshora vari kuramba vachiti ndivo vakunda nemavhoti mashanu chete.

Vari kuitisa sarudzo mudunhu iri vanoti havataure zvabuda musarudzo zvisati zvaendeswa kumusoro.

Nhengo dzebato reZanu PF muChinhoyi dziri kufara nedanho rekuti sarudzo idzi dzidzokororwe sezvo dzisina kufambiswa nemazvo.

VaClifford Khlupeko vanoti vanhu vari kukanganisa sarudzo dzebato reZanu PF inhengo dzechikwata cheG40 avo vavanoti vari kushandisa mari yakawanda.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kunhengo dzinonzi dzeG40.

Sarudzo munzvimbo dzakaita seChinhoyi, Zvimba North neMakonde dzakanzi dzidzokororwe sezvo dzisina kufambiswa zvakanaka.

Vanhu vakawanda mudunhu iri vari kutarisira kunzwa zvabuda musarudzo dzekuHurungwe West uko Amai Mary Koka-Mliswa vari kutashurana naVaKieth Guzah.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG