Accessibility links

Breaking News

Kuradzikwa kwaMbuya Barbara Bush Kwoitwa neMugovera kuTexas


 Mbuya Barbara Bush
Mbuya Barbara Bush

Hurongwa hwekuradzikwa kwemudzimai wevaimbove mutungamiri weAmerica, VaGeorge H. Bush Senior, Mbuya Barbara Bush, avo vakashaya neChipiri, huri kuenderera mberi neMugovera.

Vemhuri yekwaBush vazivisa veruzhinji kuti Mbuya Bush vachaitirwa munamato ku St Martin’s Episcopal Church ku Houston mu Texas, uko vaienda nemurume wavo vachiri vapenyu.

Munamato uyu wanzi uchapindwa nevachakokwa chete neve George Bush Presidential Library Foundation. Vaimbove vatungamiriri veAmerica nevamwe vanoremekedzwa, vari kutariswa kunge vari kumunamato uyu.

Mutumbi waMbuya Bush, avo vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri, ucharatidzwa veruzhinji nemusi we Chishanu, uchizoradzikwa pa Bush Presidential Library ku College Station kuTexas kwakare.

Kunze kwemurume wavo akamboita mutungamiri wenyika, mwana wavo, VaGeorge W Bush, vakaitawo mutungamiri wenyika kubva muna 2001 kusvika muna 2009.

Mumwe mwana wavo, Jeb Bush, akamboitawo gavhuna weFlorida, akakwikwidzawo musarudzo yeRepublican Party yekutsaga munhu achamirira bato iri musarudzo yemutungamiri weAmerica, asi vakakundikana.

Nyanzvi munyaya dzenhoroondo dzenyika, VaMoses Rumano, vanoti Mbuya Barbara Bush vanga vakasimba zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika uye pane zvakawanda zvinogona kudzidzwa kubva pavari nehutungamiriri hwemuZimbabwe.

Vatiwo vanhu vakawanda vasiri zvizvarwa zvemu America vari kuchema pamwe chete nemhuri yekwaBush.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG