Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero Okurudzira VaMnangagwa Kuti Vashande naVaChamisa


VaNelson Chamisa naVa Emmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVa Emmerson Mnangagwa

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu rinoti zvakakosha kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatore matanho ekuona kuti vashanda pamwe chete naVaNelson Chamisa neMDC Alliance yavo muhurumende.

Mukuru wezvirongwa muZimbabwe Network for Social Justice, Va Tendai Reuben Mbofana, vanoti kunyange hazvo paine gakava riri kuda kuendeswa kumatare neMDC Alliance, zvakakosha kuti Zanu PF neMDC Alliance dzishande pamwe chete senzira yekupedza ruvengo rwuri munyika rwuri kukonzerwa nezvakabuda musarudzo.

VaMbofana vanoti vanotambira zvikuru kurudziro yeZimbabwe Council of Churches, iyo yakakurudzira neChishanu chapfuura kuti VaMnangagwa vashande naVaChamisa muhurumende inenge yakamirira zvido zvevanhu vose muZimbabwe.

VaMbofana vanotiwo kunyange VaChamisa vakanzi nematare ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, vanokurudzirwawo VaChamisa nenhengo dzavo kuti vatsigirewo hurongwa hwekuti mapato maviri aya ashande pamwe chete sezvo akaratidza kuti anotsigirwa nevanhu vakada kuenzana, zvisineyi kuti Zanu PF yakawana zvigaro zana nemakumi mana nezvishanu, ukuwo MDC Alliance ichiwana zvigaro zvemuparamende makumi matanhatu nezvitatu.

Musarudzo yemutungamiri wenyika, VaMnangagwa vakawana mavhoti 2,460,463 - ukuwo VaChamisa vakawana mavhoti 2,147,436.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG