Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Hurumende Kuripa Vakaurayirwa Hama Dzavo neMauto Muna Nyamavhuvhu 2018


Zimbabwe Riots
Zimbabwe Riots

Zimbabwe yasvitsa makore maviri neMugovera kubva musi wakapfurwa vanhu vatanhatu vakafa muHarare mushure mekunge vanhu vakawanda vapinda mumigwagwa vachiratidza kusafara kwavo nemafambisirwo aitwa sarudzo dzegore ra 2018.

Kuurayiwa kwevanhu ava kwakaitika pasi rose richiona sezvo vatori venhau vakabva kunyika dzakasiyana siyana, vakange vari muZimbabwe vachiona mafambiro aiita sarudzo yekutanga mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vachikwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika zvichitevera kubviswa pachigaro nechisimba kwakaitwa vaive mutungamiri webato iri, muchakabvu Robert Mugabe.

VaMnangagwa vaikwikwidzana naVaNelson Chamisa veMDC Alliance, kusanganisirawo vatungamiri vemapato madiki anopikisa.

Mushure mekupfurwa kwevanhu ava, hurumende yakamanikidzwa kuumba komisheni yekuti iferefete zvakaitika. Komisheni iyi yaiva nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, sasachigaro wayo.

Komisheni iyi yakaburitsa gwaro rinoratidza kuti mauto nemapurisa ndiwo akauraya vanhu vatanhatu ava, ikati vakauraya vanhu ava vanofanirwa kumiswa pamberi pematare edzimhosva. Yakatiwo hurumende iripe hama dzevanhu vakaurayiwa ava.

Komisheni yaVaMotlanthe yakatiwo hurumende inofanirwa kuendesa vana vevafi ava kuchikoro, uye kuti mapurisa nemauto asaise mutemo mumaoko awo kana vanhu vachinge vachiratidzira.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu dzinoti hurumende haisati yatevedzera zviri muMotlanthe Commission.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti hurumende inoziva zviri muMotlanthe Commission uye ine hurongwa hwekuona kuti zvakatarwa nekomisheni iyi, zvazadziswa.

Mumwe wemakomishina akanyora gwaro iri, VaLovemore Madhuku, avo vanove zvakare mutungamiri weNational Constitutional Assembly, vanoti komisheni yavo yakaita basa rayo ikapedza, chitsvambe chasarira kuhurumende yaVaMnangagwa kuona kuti yatevedzera zviri mugwaro ravakanyora.

VaMadhuku vatiwo komisheni yavo yakabuda nechisungo chekuti hurumende iripe hama dzevafi nekuti vanhu ava vakapfurwa nemasoja nemapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti hurumende haisi kuratidza chido chekuzadzisa zviri muMotlanthe Commission Report.

VaMavhinga vanoti pava nemakore maviri gwaro iri raburitswa, asi hapana kana musoja ati asungwa sezvakakurudzirwa nekomisheni yaVaMotlanthe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG