Accessibility links

Breaking News

VaMavhinga Vanoti Hurumende Ngaiferefete Zvakadzama Kupambwa kwaVaMagombeyi


Dewa Mavhinga, the southern Africa director at Human Rights Watch, says the Zimbabwe army should stay in barracks since the county is not in a state of emergency.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu dzinoti hurumende inofanirwa kuferefeta zvakadzama kana pachinge papambwa munhu, zvisineyi kuti ndiyani, kana kuti ndewebato ripi.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, Va Dewa Mavhinga, vanoti ibasa rehurumende rekuona kuti kodzero dzemunhu wese dzachengetedzwa.

Mashoko aVaMavhinga anotevera mashoko egurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Va Sibusiso Moyo, ekuti kupambwa kwevakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Peter Magombeyi, kunogona kunge kuri kuitwa nevamwe vanhu vasiri muhurumende, vaine chinangwa chekusvibisa zita renyika.

Asi VaMavhinga vanoti ibasa rehurumende kuona kuti vari kupamba vanhu ndivanani, uye kuona kuti vanhu ivava vasungwa.

VaMavhinga vanoti vanhu vari kupambwa ava vari kupambwa nevanhu vane pfuti dzemhando yeAK47, unova munongedzo wekuti vanhu ava vanogona kunge vachidytidzana nehurumende.

VaMavhinga vanoti vanoshushikana nenyaya yekuti mapurisa haana kana munhu waati asunga munyaya dzekupambwa kwevanhu.

Kupambwa kwaVaMagombeyi kunoitika panguva iyo nhumwa yeUnited Nations munyaya dzekodzero iri kushanyira Zimbabwe kwemazuva gumi ichiona mamiriro akaita kodzero dzevanhu mukuungana murunyararo nedzimwe kodzero.

VaClement Nyaletsossi Voule, avo vakakokwa nehurumende, vachasangana nehurumende, vematare edzimhosva, masangano akazvimirira pamwe nemamwe masangano epasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG