Accessibility links

Breaking News

Varwiri veKodzero Voramba Vari Mutirongo Kusvika neChina


Some of the people arrested after last week’s opposition protest follow proceedings at Harare Magistrates’ Court where the Zimbabwe Lawyers for Human Rights applied for their bail. (C. Mavhunga/VOA)

Vasungwa vana vanorwira kodzero dzevanhu vakasungwa panhandare yendege muHarare vachibva kumusangano kuMaldives svondo rapera, vacharamba vari mutirongo sezvo chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba dzavo chatadza kunzwikwa mudare reHigh Court.

Vasungwa ava vanoti VaGeorge Makoni, VaFrank Mpahlo, VaTatenda Mombeyarara, naVaGamuchirai Mukura vanzi vadzoke kudare redzimhosva nemusi weChina svondo rino.

Vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende zvichitevera musangano wavanonzi vakaita kuMaldives uko hurumende inoti ndiko kwakarongwa nyaya yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Chikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso chatadza kunzwikwa nemutongi wedare, VaTawanda Chitapi, sezvo vachuchusi vehurumende vakumbira nguva yekupindura chichemo chakasvitswa mudare nemagweta avana ava chekuti vatongwe vachibva kumba.

Asi mutauriri wemagweta ari kumirira vasungwa vana vane nyaya yapinda mudare nhasi, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vati chikumbiro chekuti vanhu vavari kumirira vatongwe vachibva kumba chichapinda mudare neChina.

VaMafunda vatiwo dzimwe nhengo mbiri dzinorwira kodzero dzevanhu vanoti mukuru weWomen's Academy for Leadership and Political Excellence, Muzvare Stabile Dewa pamwe nemukuru weFemale Prisoners Support Trust, Doctor Rita Nyamupinga, avo vakasungwa nezuro panhandare yendege yeRobert Mugabe muHarare, vari kupomerwawo mhosva yekuda kupidigura hurumende nechisimba.

VaMafunda vati Doctor Nyampinga vari kuchipatara cheParirenyatwa nekuti havasi kunzwa zvakanaka kubva zvavakasungwa.

Mumwe murwiri wekodzero, Muzvare Farirai Gumbonzvanda, vakasungwawo vachipomerwa mhosva imwe cheteyo svondo rapera.

Asi Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugweta raMuzvare Gumbonzvanda, Muzvare Jessie Majome, kuti nyaya iyi yave papi sezvo vange vasingabatike panharembozva yavo.

Pave nevanhu vanomwe vasungwa mwedzi uno chete vachipomerwa mhosva yekuronga kupidigura hurumende.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti riri kushushikana nekushungurudzwa kwevarwiri vekodzero dzevanhu kuri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa richiti izvi hazvina kusiyana nezvaiyitwa nehurumende yevaimbove mutungamiri wehnyika, VaRobert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG