Accessibility links

Breaking News

Murwiri weKodzero, VaDewa Mavhinga, Vanoti Vanhu Vapindwa neKutya Kunotyisa


Dewa Mavhinga, senior Africa researcher at Human Rights Watch. (Sebastian Mhofu/VOA)

Vanhu vanga vakapakatira zvombo vanonzi vapinda zvechisimba mudzimba ina dzemuHighfield mambakwedza ndokutora vanhu vanogara mudzimba idzi vachinovarovera pedyo nekumahofisi eBoka Tobacco Floors.

Vanhu ava vanonzi varohwa zvakapisisa panguva iyo mauto ari kuenderera mberi achirova vanhu mumisha inogara veruzhinji.

Muzinda wemauto unonzi waburitsa mashoko uchiramba kuti kune masoja ari munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Sangano reHuman Rights Watch rionotiwo riri kutambira mashoko ekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa nemauto.

Mukuru wesangano iri kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti sangano ravo rine humbowo hwekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu nemauto.

Vatiwo pasi pemitemo yenyika, mauto haabvumirwe kuridzira mabara anokuvadza kana kuuraya kune veruzhinji vanenge vachiratidzira. Vatiwo basa rekuchengetedza runyararo rinofanirwa kunge richiitwa nemapurisa, kwete kuti riitwe nemauto akadzira kuuraya vanhu.

VaMavhinga vanoti zviri pachena kuti zvinhu hazvina kurongeka muhurumende sezvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuti vachaumba komiti inofanirwa kuferefeta kupindira kwemauto.

Vanotiwo pane mashoko anoti vakuru vakuru vemapurisa vakachengetedzwa nemauto vachibvunzurudzwa kuti seyi vakaregera mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachiita musangano nevatori venhau nemusi weChishanu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa kana remauto panyaya iyi.

VaMavhinga vatiwo bumbiro remitemo rinopa chete mutungamiri wenyika masimba ekuti mauto aburitswe mumabharaki achipinda muvanhu achibatsira mapurisa munguva nyika inenge isina kugadzikana.

Asi vati mauto haabvumidzwe kushandira mabara ehondo.

Mashoko ari kubuda anoti vakuru vemapurisa vakakumbira kubatsirwa nemauto pasi pemutemo wechikamu 37 chePublic Order and Security Act.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti chikamu chakashandiswa kudaidza mauto kuti abatsire mapurisa, hachitaure nezvesimba rine mutungamiri wenyika, nokudaro zvakaitwa zvekuisa mauto muvanhu, hazvisi pamutemo.

Nyanzvi idzi dzinotiwo gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika harinawo masimba pasi pebumbiro remitemo yenyikaekuti riburitse mauto mumabharaki achipinda muvanhu kunochengetedza runyararo, sezvo masimba ari mumaoko emutungamiri wenyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanotiwo mauto haafanirwe kungodirwa muvanhu sezvo akadzidziswa kuuraya, kwete kunyengetedza vanhu kuti vaite runyararo.

Vachipindura mibvunzo yevatori venhau muHarare neChishanu, VaMnangagwa vakati kana vagadzwa zviri pamutemo semutungamiri wenyika, vachagadza komisheni yekoongorora zvakaitika zvakapa kuti vanhu vatanhatu vafe mushure mekupfurwa nemauto nemusi weChitatu.

Asi VaMavhinga vanoti huwandu hwevanhu vafa hwasvika pavanhu vanomwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG