Accessibility links

Breaking News

Kudzoka kwaVaSydney Gata kuZesa Kosimudza Mutauro


ZESA
ZESA

Nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nekodzero dzevanhu dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekudzoserwa pabasa kwakaitwa mukuru weZimbabwe Electricity Supply Authority, Zesa, VaSydney Gata, mhosva dzavari kupomerwa dzisati dzapera kuferefetwa.

Sangano reTransparency International Zimbabwe rinoti rakakatyamadza nedanho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rekudzosa VaGata pabasa pachine mhosva dzavari kupomerwa.

Murongi wemabasa musangano iri, VaTafadzwa Chikombo, vati havagutsikani nezvikonzero zvakapihwa zvekuti vaGata vadzokere pabasa vasati vacheneswa pamhosva dzavo dzese.

VaChikombo vanotiwo izvi zvinoita kuti veruzhinji vasave nevimbo yekuti hurumende ine hurongwa hwekupedza huori kana ichidzosa munhu pabasa anga achipomerwa huori nyaya dzake dzose dzisati dzamuchenura.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti zvakaitwa naVaMnangagwa zvinogona kuvhiringa mabasa eZimbabwe Anti Corruption Commission, kana Zacc, ACC sezvo vapindira nyaya dzisati dzapera kuferefetwa. VaMavhinga vanotiwo VaMnangagwa vangadai vamirira kuti mhosva dzaVaGata dzaongororwa dzose dzikapera.

Asi gweta raVaGata, VaLovemore Madhuku, vanoti hapana chakaipa chakaitwa naVaMnangagwa sezvo vakaona kuti mhosva huru ina panhanhatu dzavanga vachipomerwa, dzanga dzachenura VaGata.

Mumagwaro akabudiswa nemunyori mukuru mudare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, VaMnangagwa vakati nekuda kwekuti Zesa ine basa guru mukuvandudzwa kwehupfumi hwenyika zvainge zvisina kunaka kuti kambani iyi itadze kuzadzikisa zvainotarisirwa nekuti panenge pasina hutungamiri.

VaMnangagwa vakati ongororo yakaitwa neZacc yakachenesa VaGata pamhosva ina, kukasara mbiri dzinosanganisira kubhadhara vashandi vasiri kushandira Zesa pamwe nekuti VaGata vaikanganisa zvirongwa zvekuranga munyori wekambani iyi.

VaMnangagwa vakati kunyange hazvo mhosva idzi dzichiri kuongororwa,vakaona zvakafanira kuti VaGata vadzokere pabasa, izvo zviri kupikiswa nevanorwira kodzero dzevanhu.

Studio7 yatadza kunzwa divi reZacc sezvo sachigaro wayo, Amai Loice Matanda Moyo, pamwe nemutauriri wayo, VaJohn Makamure, vange vasiri kudavira nharembozha dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG