Accessibility links

Kusarudzwa kwaVaGoba seMuchuchusi weNyika Kwoshorwa


Mutungamiri wenyika Va Robert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasarudza VaRay Goba kuti vave muchuchusi mukuru wenyika.

VaGoba ndivo vange vakafanobata chinzvimbo ichi kubva gore rakapera apo VaJohannes Tomana vakabviswa pachigaro ichi vachipomerwa zvehuori.

Mutauriri we MDC-T, VaObert Gutu, vanoti vaziva VaGoba sagweta kwemakore makumi matatu uye vanofunga kuti VaGoba vanokodzera kuita basa iri kunyange paine nyaya dzisina kunaka pamazuva avange vachishanda ku Namibia.

VaGutu vanoti VaGoba vanofanira kupiwa nguva yokuratidza vanhu kuti basa iri vanogona kuriita vasina kwavakarerekera.

Vanotiwo nyaya dzakamirira kupinzwa mumatare dzinosanganisa nyaya yegurukota redzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, ndidzo dzicharatidza kuti VaGoba vangakwanisa kuita basa iri zvakanaka pasina kwavakarerekera.

Asi mutungamiri we Transform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti VaMugabe vakasarudza munhu asingakodzeri kupiwa basa iri.

VaNgarivhume vanoti VaGoba munhu we Zanu-PF akazara naizvozvo pavamire panozikanwa sezvo “muti wemumengo haufe wakadonedza maranjisi”.

VaNgarivhume vanoti VaGoba havafaniri kupiwa basa rokuita muchuchusi mukuru wenyika nekuti vane mhosva dzavakapara dzinozivikanwa zvinove zvisingafaniri kuva pamuchuchusi wenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG