Mutambi wenhabvu muchikwata che Gunners, Ramson Zhuwawo, anoti ari kufara zvikuru nekutora kwaakaita nezuro mukombe wemutambi akakunda vamwe vatambi gore rino, kana kuti 2009 Soccer Star Of The Year.
Vamwe mafinalists anoti Norman Maroto (Gunners), Tafadzwa Rusike, Method Mwanjali (CAPS United), Chris Semakweri, Mthulisi Maphosa (Monomotapa), Thabani Kamusoko (Njube Sundowns), Farai Vimisayi (Hwange) vakawana mari inosvika US$800 zvichetevera kukwanisa kupinda mumakwikwi kwavakaita.
Zhuwawo akawana mukombe uyu pamwe nemari inoita zviuru zvina zvemadhora eku America.
Murairidzi wechikwata che Gunners, Moses Chunga, ndiye akatorawo mukombe wevarairidzi venhabvu gore rino.
Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nazhuwawo kuti tinzwe zvinoreva mubayiro waakapihwa nezuro.