Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurukurwa Pamusoro Payo muWashington DC


panelists at Global Press Event
panelists at Global Press Event

Zimbabwe yakarukurwa nezvayo neChina muWashington DC, pasi pechirongwa cheGLobal Press Influencers Series.

Musangano uyu waive wekuzeya zviri kuitika muZimbabwe panguva iyo nyika iri kugadzirira kuita sarudzo.

Vachitaura pamusangano uyu, mukuru weZimbabwe Diaspora for Democracy, Va Charles Mutama, vakati sangano ravo riri kushanda zvakasimba nechinangwa chekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inzwisise zvakakoshera kuremekedza kodzero dzevanhu dzakachengetedzwa mubumbiro remitemo yenyika.

VaMutama vakati zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvine kodzero dzekuvhota musarudzo zviri munyika madziri, asi hurumende haasi kuratidza chido chekuti izvi zviitike.

Achitaurawo pamusangano uyu, mutori wenhau anoshanda neGlobal Press, Linda Mujuru, akatiwo zvinhu hazvina kunyatsojeka muZimbabwe, asi semauonero ake, mapato anopikisa akakunda musarudzo dzichaitwa gore rino, mauto anogona kupindira sezvaakaita gore rapera apo akabvisa pachigaro vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mumwe mutori wenhau anoshandira muNew York, Wadzanayi Mhute, akatiwo vari kunze kwenyika vanoda kunovhota vanofanirwa kuenda kuZimbabwe kuti vanoita izvi sezvo mukana wekuvhotera kunze kwenyika usati waiswa nehurumende.

Musangano wezuva rimwe chete uyu waive wekuzeya nzira dzingatorwe nezvizvarwa zveZimbabwe mukusarudza vamiriri vazvinoda pasi pedingindira rinoti Zimbabwe Take Action.

Pane zvizvarwa zveZimbabwe zvakaendesa hurumende kumatare zvichida kuti matare amanikidze hurumende kuronga hurongwa hwekuti vari kunze kwenyika vakwanise kuvhota vari munzvimbo dzavari. Matarere haasati atura mutongo panyaya iyi.

Kunyange hazvo Zimbabwe Exiles Forum yakamirira mutongo wayo panyaya yayakakwidza iyi, pane mumwe mutongo wakaitwa muna 2013 hurumende ikabvuma kuti inofanirwa kubvumidza vari kunze kwenyika kuvhota, asi ikati yakanga yakasungwa mbira dzakondo munyaya dzemari kuti ikwanise kuita basa rakadai kunze kwenyika.

Izvi zvakatambirwa nedare sechichemo chinonzwikwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG