Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Votungamira Mubatanidzwe we People's Rainbow Coalition


Mujuru
Mujuru

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru,i vadomwa nemapato anopikisa mana kuti vatungamire mubatanidzwa mutsva uchakwikwidzana neZanu PF musarudzo dzegore rinouya.

Mapato mana anoti People's Democratic Party inotungamirwa naAmai Lucia Matibenga, ZUNDE, Dare neNational Peoples Party awirirana kuti Amai Mujuru vatungamirire mubatanidzwa wePeople's Rainbow Coalition, PRC, musarudzo dzegore rinouya.

Amai Mujuru vati vanofara kuti vadomwa semutungamiri wePRC.

Vatiwo chave kudiwa kwave kukurudzira veruzhinji kuti vanyorese sevavhoti kugadzirisa zviri kunetsa munyika kana vachinge vapinda mumasimba ekutonga nyika.

Amai Mujuru vati nhaurirano ne mamwe mapato asiri muPRC akaita semapato ari mumibatanidzwa yeMDC Alliance neCoalition of Democrats dzicharamba dzichienderera mberi nechinangwa chekuti mapoka aya aite chirwirangwe musarudzo dzegore rinouya.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kana Amai Mujuru nemutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, pamwe nevakasarudzwa kuti vatungamire CODE, Va Elton Mangoma, vakasabatana pamberi pesarudzo zvinopa VaMugabe mukana wekukunda musarudzo dzegore rinouya.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG