Accessibility links

Breaking News

Nhepfenyuro Dzorumbidzwa neNyanzvi paWorld Radio Day


World Radio Day

Zimbabwe yacherechedza zuva reWorld Radio Day nyanzvi dzichiti kunyange rhedhiyo iri nzira yakakoshesesa pakufambisa mashoko, hurumende haisi kuvandudza mabasa ekutepfenyura munyika izvo zvinoonekwa.

Nyanzvi munyaya dzekutapwa kwenhau, VaCharles Rukuni, vanoti kunyange paine dzimwe mhando dzekufambisa nhau nemashoko zvakaita sematerevhizheni, rhedhiyo ndiyo iri kunyanya kushandiswa neveruzhinji.

Imwe nyanzvi munyaya dzekutapwa kwenhau, Doctor Wellington Gadzikwa, vanobvumirana naVaRukuni vachiti rhedhiyo yakakosha chose uye ndiyo inoshandiswa neveruzhinji pakuwana nhau.

VaGadzikwa vati zvinosuwisa kuti kunyange hurumende ichiziva kukosha kwerhedhiyo, hapana zvizhinji zvairi kuita kuvandudza mabasa ekutepfenyura pamwe nekuti matunhu ese munyika ave nenhepfenyuro.

Nyanzvi munyaya dzekutepfenyura vakashanda kwenguva yakareba kuZimbabwe Broadacasting Corportion Zimbabwe, zvakare vari mukuru wenhepfunyuro yeVoice of the People, VaJohn Masuku, vaudza Studio7 kuti kunyange hurumende ichiita sekuti inokoshesha mazuva akaita seWorld Radio Day vanokatyamarawo kuti nyika haisati yave nenhepfenyuro dzakawanda zvikuru sei dzematunhu.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa munyika reMDC, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio7 kuti nhepfenyuro idzi dzinotaura nhau dzakafanana uye dzakarerekera divi rimwe.

Vati chinodiwa inhepfenyuro dzinoburitsa nhau nemashoko asina divi raakarerekera.

Vatiwo nyaya yekusave nenhepfenyuro dzakasiyana ndiyo yapa mukana kunhepfunyuro dzakaita seStudio7 idzo dzinotepfunyura dziri kunze kwenyika.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vati kushaikwa kwenhepfunyuro dzine muono wakasiyana ndiko kwakaunza nhepfenyuro dzakaitaseStudio7idzo vanoti dzabatsira Zimbabwe zvakanyanya.

Vati zvinosuwisa kuti hurumende inoramba yakasunga masaisai nekuti inoona sekuti rhedyiyo inoshandiswa zvematongerwo enyika.

VaMasuku vati nhepfenyuro dzakaita seStudio 7 neVOP dzakakosha chose sezvo dzichisvika kunzvimbo dzisina masaisai enhepfunyuro dzemuno.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo rinokoshesa nyaya dzekutepfenyura uye rinoda kuti munhu wese munyika akwanise kunzwa nenhepfunyuro yaanoda.

Vati pave nehwaro hwekuvandudza kutepfenyura uye munguva pfupi chaiyo Broadcasting Authority of Zimbabwe ichange yave kupa marezenisi kunhepfenyuro dzematunhu.

Asi makore makumi mana Zimbabwe yawana kuzvitonga, munyika mune nhepfenyuro dzisingadarike gumi neshanu uye zhinji dzacho ndedzemakambani ehurumende akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation neZimpapers, kana vanhu vari mubato riri kutonga reZanu PF.

Nyika dzakaita seZambia dzine nhepfunyuro dzinodarika zana nemakumi mana uye zvinji dzacho ndedzematunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG