Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheChimbwamupengo Chouraya Vanhu kuMashonaland West


Chirwere chechimbwamupengo chanetsa mudunhu reMashonaland West zvichitevera kufa kwevanhu vashanu mushure mekurumwa nembwa dzine chirwere ichi.

Vanhu vanosvika mazana matatu nevapfumbamwe vakarumwa nembwa dzine chirwere ich mudunhu reMashonaland West, vanhu vashanu vakafa. Vakafa ava vanoti vaviri muChinhoyi, uye vatatu kwaZvimba, kunova kumusha kwevaimbove mutungamiri wenyika, muchakabvu Robert Mugabe.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Gift Masoja, vanoti vanhu vatatu vakafa kwaZvimba vana vechikoro.

VaMasocha vari kukurudzira vanhu vanochengeta imbwa kuti vadzibayise pachavo sezvo hurumende isina mari yekutenga mishonga uye kuti vanenge varumwa vakarumidze kuenda kuchipatara kunorapwa mukati memaawa makumi manomwe nemaviri kubva panguva yarumwa munhu.

VaMasocha vanoti munhu akatanga kuratidza zviratidzo zvekuti ave nechirwere cheRabbies kunyange akarapwa, haapone.

Zviratidzo zvemunhu ane chirwere chechimbwamupengo zvinosanganisira kubuda masiriri, kana kuti furo, kuda kungoruma ruma zvinhu, kutadza kunwa mvura pamwe nekusada kugara pane chiedza.

Vanhu vakawanda vari kukurudzira kuurayiwa kwembwa dzinongombeya Mbeya dzisina kuchengetedzwa, asi vamwe vachiti kuuraya imbwa idzi hazvina kunaka.

Nhasi kanzuru yeChinhoyi, bazi rezvehutano nebazi rezvehutano hwemhuka vaita chirwirangwe kubayisa imbwa dzose muguta nemutengo wemadhora gumi emabhondi.

Mutauriri wekanzuru yeChinhoyi, VaTichaona Mlauzi, vanoti vane hurongwa hwekuti kana vapedza kubayisa imbwa dzose dzinenge dzasara dzisina kubayiwa dzichingo famba famba dzichaurayiwa.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wemuChinhoyi, VaPearson Ndoro, avo vakarumirwa mwana wavo nembwa yakabaiwa vanoti imbwa dzose dzisingazivikanwe kuti dzine chirwere here kana kuti kwete dzinenge dzichingofamba mumigwagwa ngadziurayiwe.

Asi mumwe muchengeti wembwa, VaPanashe Ngandu, vanoti kanzuru haifanirwe kungouraya imbwa asi kuti vanofanirwa kutsvaga vanodzida pamusika kana kuti auction.

Wongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti kurapa chirwere cheRabbies zvinotora madhora zviuru zviviri nemadhora zana sezvo munhu achifanirwa kubaiwa katatu jekiseni rimwechete richiita madhora mazana manomwe emabhondi kana RTGS.

Hurumende inoti haina mishonga yekurapa chirwere ichi muzvipatara zvayo nemakiriniki.

Dunhu reMashonaland West rinogara rakavhiringwa nechirwere ichi nguva dzose.

Mugore ra2013 vanhu gumi nevasere vakafa nechirwere ichi mushure mekurumwa nembwa dzaive nechirwere chechimbwamupengo.

Pavanhu vakafa ava mugore iri, vanhu gumi vaive vekwaZvimba.

Pagore rega rega, vanhu vanodarika makumi mashanu ezviuru vanofa nechirwere ichi pasi rose, zvikuru munyika dzemuAfrica neAsia.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG