Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yoronga Kuratidzira Zvichitevera Kukwidzwa kweMari dzeBvunzo


PTUZ Teachers Strike
PTUZ Teachers Strike

Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti rakasvitsa gwaro kumapurisa neMuvhuro, richiazivisa nezvehurongwa hwaro hwekufora richienda kuparamende kunosiya gwaro renyunyuto, pamusoro pekukwidzwa zvakanyanya kwemari dzebvunzo dze “Ordinary” ne “Advanced” Level gore rino.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti vakazivisa mapurisa kuti vachafora nemusi wa 27 Kukadzi, senzira yekuti paramende ipindire, sezvo vabereki vakawanda, kusanganisira varairidzi vane vana vachanyora bvunzo idzi, vasingakwanise kubhadhara mari dzabva kudiwa idzi.

Boka rinoona nezvebvunzo, reZimbabwe School Examinations Council, Zimsec, rakazivisa kuti mari dzebvunzo dzeOrdinary Level dzakwira kubva pamadhora gumi nemashanu, kuenda pamadhora zana nemakumi mapfumbamwe pagwaro rimwe chete, kuchitiwo bvunzo dze Advanced Level dzakakwidzwawo kubva pamadhora makumi maviri nematanhatu, kuenda pamadhora mazana matatu nemakumi mashanu nerimwe, pagwaro roga roga.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kumapurisa kana atambira gwaro rePTUZ iri.

Pasi pemitemo yenyika, vanhu kana masangano anoda kuratidzira anosungirwa kutanga azivisa mapurisa kuitira kuti mapurisa agadzirire kuchengetedza runyarare panguva iyo vanhu vanenge vachiratidzira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG