Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Varairidzi Voronga Kuramwa Mabasa


Takavafira Zhou
Takavafira Zhou

Sangano rinomiririra vadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti vadzidzisi vakagadzirira kuratidzira kana kumbomira mabasa nekuti bhajeti rakabudiswa nehurumende rinovaratidza kuti hurumende haina basa nevadzidzisi uye haisi kuteerera zvavari kutaura.

Mutungamiri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vati vadzidzisi vachasangana pamusoro penyaya iyi uye zviri kwavari kuti danho rotorwa nderipi.

Doctor Zhou vati, “Zvinoda kubatana kwevarairidzi. Saka kana hurumende ichituma varairidzi kuti varamwe mabasa, vachasangana nazvo.”

Vadzidzisi vanoti Zimbabwe iri kutadza kutevera zvakasungwa nedzimwe nyika maererano nekubatwa kwevadzidzisi naizvozvo inofanira kuita sezvakanyoreranwa muchibvumirano cheDakar Framework 2000 neMaputo Declaration. Zvibvumirano izvi zvinoti bazi rezvedzidzo rinofanira kupiwa zvidimbu makumi maviri nezviviri kubva muzana zvemari yebhajeti rese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG