Accessibility links

Breaking News

Zvekushandisa Kurwisa Covid-19 Zvonetsa Kuwana Munyika


Kunyange hazvo hurumende iri kuti iri kuwana ruyamuro rwemari nezvikwanisiro zvekurwisa chirwere cheCoronavirus, mamwe mabazi ehurumende anoti hapana chaari kuwana izvo zviri kusiya vashandi vakawanda vari panjodzi yekubata chirwere ichi.

Zimbabwe yava nevanhu makumi maviri nevatatu vabatwa nechirwere ichi, uye chauraya vanhu vatatu.

Mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Amai Priscilla Makotose, vanoti mapurisa haana zvikwanisiro zvekushanda akazvidzivirira panguva iyo anenge achisangana neveruzhinji mukurwisa kuti Covid-19 isapararire.

Izvi zvatsigirwawo nemukuru mubazi reSocial Welfare mudunhu iri, Amai Agnes Mutowo, avo vanoti mamwe masangano anoyamura mukupa zvekudya kuvanhu vanoshaiwa zvakanyanya, akatomira kupa zvekudya nekuda kwekushaya zvikwanisiro zvakaita semamasiki nemasanitizers.

Mukuru wemadhumeni mudunhu reMashonaland West, Amai Edna Shambare, vanoti madhumeni ari kutadza kuenda kuvarimi nekuda kwekushaya zvekupfeka zvinodiwa kuti vazvichengetedze uye nekuchengetedza varimi kuti vasatapurirane hutachiona hweCoronavirus.

Vachitaura munguva pfupi yapera muChinhoyi, gurukota rezvekubudiswa
kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati hurumende iri kupihwa rubatsiro rwakawanda kubva mukati menyika pamwe nekunze kwenyika.

Amai Mutsvangwa vakati kusvika pari zvino vawana rubatsiro rwemamasiki
zviuru makumi mana nezvishanu kubva kuzvikoro zvepusoro zvakaita
seChinhoyi University of Technology, icho chiri kugadzira mamasiki
anosvika zviuru zvitatu pazuva.

Vakatiwo vari kuwana mushonga weInterferon uyo uri kubva kuCuba, zviuru zvitatu zvemichina yekuwongorora kuti munhu ane chirwere cheCoronavirus here kana kuti kwete, kana kuti Rapid Response Test kits, uye zviuru makumi maviri zvemimwe michina yekuongorora hutachiwana hweCoronavirus kubva kuna muzvina bhizinisi wekuChina, VaJack Ma.

Vakatiwovari kutarisira mimwe michina yekuwongorora hutachiona hweCoronavirus inosvika zviuru makumi mana.

Amai Mutsvangwa vakati hurumende kuburikidza nebazi rinoona nezvemari,
iri kupawo mari yavasina kudoma huwandu hwayo yekutenga zvikwanisiro
zvinoshandiswa nevashandi vehurumende zvikuru vemubazi rezvehutano,
mapurisa, nemauto.

Amai Mutsvangwa vakati vanotirisa kuti michina yavari kupihwa inofanirwa
kunge yakasimba zvinodikwanwa nebazi reWorld Health Organisation.

Kunyange hazvo Amai Mutsvangwa vakati kune vari kuyamura nezvekudya zviri kupihwa vanhu vakabva kunze kwenyika vari kuchengetwa paZIPAM nedzimwe nzvimbo dzakaita sePlumtree senzira yekuona kuti havana hutachiona hweCoronavirus here vasati vabvumirwa kuenda kudzimba dzavo, nevari kugadzirisa nzvimbo dzakasarudzwa kuti dzichengeterwe vose vanenge vorwara zvakanyanya nechirwere ichi, hapana hukoshi hwemari
hwakataurwa.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti zvinhu hazvisi kufamba
zvakanaka mukugoverwa kwezvinhu zvinenge zvapihwa hurumende.

Studio7 payatada kuona kuti michina yeRapid Response Test kits inosvika mazana matatu akataurwa pamusangano wesvondo rakapera nemukuru webazi rezvehutano muMashonaland West, Dr Wensilus Nyamayaro, aripo here, mumwe mushandi wekubazi remishonga pachipatara chikuru muChinhoyi, uyo asina kuda kudomwa nezita sezvo asinga bvumirwe kutaura nevatori venhau, ati vakapihwa michina makumi mashanu chete.

Asi VaNyamayaro varamba vachingoti vakapihwa mazana matatu uye zvipatara zvidiki zvikapihwa michina makumi maviri nemishanu pachipatara chega chega pazvina zviri mudunhu iri.

Chimwe chinhu chabuda pachena ndechekuti ruyamuro rwuri kupihwa
kwakasiyana vamwe vachipa kuburikidza nebazi rezvehutano vamwe vachipa kuburikidza nehofisi yegurukota rezvematunhu, Amai Mliswa-Chikoka, avo vanoti vari kunyora kuti ndiyani apa uye kuti zvazopihwa ani senzira yekuisa zvinhu zvose pachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG