Accessibility links

Breaking News

Gamba Munyaya dzeKodzero dzeVanhu, VaDewa Mavhinga, Vashaya


Dewa Mavhinga, the southern Africa director at Human Rights Watch, says the Zimbabwe army should stay in barracks since the county is not in a state of emergency.

Murwiri wekodzero dzevanhu ane mukurumbira, VaDewa Mavhinga, vashaya.

VaMavhinga, avo vanga vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, vashayikira muJohannesburg, kuSouth Africa.

Munin’ina wavo, Dr Edgar Munatsi, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti ichokwadi kuti mukoma wavo ashayikira kuSouth Africa.

Mhuri yekwaMavhinga haisati yazivisa kuti VaDewa Mavhinga vafa neyi, kunyange hazvo vamwe vari kuti murwiri wekodzero uyu atorwa nedenda reCovid-19.

Vanhu vakawanda vari kuchema kushaya kwaVaMavhinga vachivatsanangura semurwiri wechokwadi munyaya dzekodzero dzevanhu.

VaMavhinga vaigara vakabuda panhepfenyuro yeStudio7 vachipa maonero avo munyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nezvematongerwo enyika.

Vasati vaenda kuHuman Rights Watch, VaMavhinga vakanga vari murongi wezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe kuchamhembe kweAfrica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG