Accessibility links

Breaking News

Murwiri weKodzero Dzevanhu Anonyimwa Mukana Wekubvisa Mari yeChibatiso kuMasvingo


Gweta, VaMartin Mureri
Gweta, VaMartin Mureri

Mutongi wedare redzimhosva muMasvingo, VaMboneni Ndlovu, varamba kutambira chikumbiro chekubvisiswa mari yechibatiso chaitwa nemukuru anoona nezvemabasa musangano reMasvingo Center for Research and Development, VaEphraim Mtombeni, avo vari kupomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika.

VaMtombeni, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, vakasungwa musi weSvondo vachipomerwa mhosva yekutuka nekuzvidza mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivapomera mhosva yekutambudza vanhu munyika.

Gweta raVaMtombeni, VaMartin Mureri, vati VaMtombeni vadzoke kudare musi wa 13 mwedzi unouya vachibva muchitokisi.

VaMureri vati vave mubishi rekuisa chikumbiro ichi kudare repamusoro kuitira kuti VaMtombeni vabhadhariswe chibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Muchuchusi wedare, VaMalvern Mapako, vati VaMtombeni vakatuka mutungamiriri wenyika musi weChishanu chapfuura, apo vakaudza vanhu vaive vakamirira mabhazi eZupco vapedza basa kuti vari kutambudzwa naVaMnangagwa pamwe nevanakomana vavo avo vari kubira nyika mari.

Zvichakadaro, vemasangano akazvimirira vanoti kukura kuri kuita huwhandu hwenhengo dzavo dziri kushungururdzwa kuri kuita kuti vashande vachitya.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaBrighton Ramusi, vanoti kunyimwa kuwaitwa VaMtomboni mukana wekubvisa mari yechibatiso kunovashungurudza nekuti vari kupomerwa mhosva dzisina maturo.

Nhengo yesangano reCommunity Tolerence and Reconciliation Development, VaZivani Muzorodzi, vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nemasangano akazvimirira.

Munyori wesangano rinomirira vemasangano akazvimiririra reNational Association of Non Governmental Organisations muMasvingo, Amai Lucia Masekesa, vanoti vari kurwadziwa nezviri kuitika munyika zvekusunga vanorwira kodzero dzevanhu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvekufambiswa kwemashoko munyika, Amai Monica Mutsvangwa, sezvo vange vasingadairi nharembozha yavo kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG