Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Grace Mutandwa, Ashaya


Grace Mutandwa (twitter account)

Mutori wenhau anga ane mukurumbira munyika, Grace Mutandwa, ashaya mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Mutandwa ashaya mangwanani eChitatu mushure mekunetseka nechirwere chegomarara kwenguva yakareba.

Kushaya kwaMutandwa kwasiya vatori venhau vakawanda vari mukuchema vachirangarira mabasa emumwe wavo.

Mutori wenhau, Margaret Chinowaita, ati anonzwa kurasikirwa kwakanyanya semutori wenhau sezvo Mutandwa anga ari chipangamazano kune vanyori vakawanda vechidiki huye mabasa ake aiyemurika zvichipa shungu kune vamwe vatori venhau kuti vabudirire.

Mumwe mutori wenhau, Paidamoyo Muzulu, atiwo Mutandwa aive gamba munyaya dzekutorwa kwenhau nekuzivisa nyika zvaitora nzvimbo kunyange panguva yazvaive zvisiri nyore kutapa nhau.

Mumwe akashanda naMutandwa kuFinancial Gazette, uye vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi, vati vakadzidza zvakawanda kubva kunaMtandwa.

Vatiwo vanomurangarirawo nezvinyorwa zvake zvaisimudzira kufambiswa kwenhau zvakasununguka munyika.

Mutauriri wemhuri yekwaMutandwa, Amai Rosemary Nyahuye, vati hurongwa hwekuratidzwa kwemufi hausati hwavapo.

Vamwe vatori venhau varatidzawo kurwadziwa kwavo pamadandemutande nekushaya kwaMutandwa

Pamusoro pekushanda kuFinancial Gazette, uko aive nechikamu chininzi Chilling Out, Mutandwa akashandawo kuSunday Mail, New Ziana pamwe nekumuzinda weBritain muZimbabwe.

Mutandwa, uyo akanyora mabhuku anoti Whose Daughter My Child?, The Power and The Glory nemamwe, asiya vana vatatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG