Accessibility links

Breaking News

Doctor Kanyenze Vokurudzira Nhaurirano Kuitira Kuti Zimbabwe Ifambire Mberi


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vakuru vezvematongerwo enyika, vedzisvondo, masangano akazvimirira pamwe neveruzhinji vanofanirwa kuisa misoro pamwe chete kuitira kuti vatsvake nzira dzekubudisa nyika kubva mumadhaka mairi.

Zimbabwe yakatarisana nenguva yakaoma zvikuru sezvo munyika musina kumira zvakanaka nekuda kwezvehupfumi uho hwaenda kumawere.

Pari zvino vanhu vari kunetsekana kuwana mari dzavo, mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira, ukuwo zvimwe zvinhu zvakakosha zvichishaikwa munyika.

Vanhu vari kuswera vakamira mumitsetse kuitira kuti vatenge mafuta edzimotokari, ayo ari kunetsa kuwana munyika yose.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakatoyambira kare nyika kuti igare yakagadzirira sezvo zvinhu zvichati omeyi munyika zvisati zvatanga kuita zvakanaka.

Mthuli Ncube, Zimbabwe’s new finance minister, talking to reporters after taking oath of office in Harare, Sept. 10, 2018.
Mthuli Ncube, Zimbabwe’s new finance minister, talking to reporters after taking oath of office in Harare, Sept. 10, 2018.

Mukuru musangano ravana chipangamazano, reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti zvakakosha kuti munyika muve nekutaurirana kuitira kuti vekunze vane mari dzavo vaite chivimbo chekuuya kuzotanga mabhizinesi muZimbabwe.

VaKanyenze vanoti vekunze vasati vauya, vanhu vanofanirwa kutanga vabatana munyika kuitira kuti vekunze vauye vachiziva kuti munyika mune vanhu vakabata.

VaKanyenze vanoti zviri pachena kuti vanhu havana kubatana, uye havasi kudonzera divi rimwe chete.

Vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatsigirwa zvakasimba nevanhu vekumaruwa, ukuwo mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakatsigirwa zvine mutsingo nevanhu vanogara mumaguta nemadhorobha.

VaKanyenze vanoti zviri pachena kuti VaMnangagwa naVaChamisa vanofanirwa kuita muonera pamwe kuitira kuti nyika ifambire mberi.

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Asi vanotiwo zvakakosha kuti vashandi nevashandirwi, masangano akazvimirira pamwe nevedzisvondo vavewo nechekuita mukutsvaga rakanaka renyika remangwana.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika hwakaondoka nepamusana pekutadza kutonga zvine hungwaru kwebato reZanu PF iro rava nemakore makumi matatu nemasere richitonga nyika kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980.

Asi Zanu PF inoti hupfumi hwenyika hwakaparadzwa kuburikidza nezvirango zvinoti zvakatemerwa nyika nenyika dzakaita seBritain neAmerica.

Brian Nichols, the new U.S. ambassador to Zimbabwe, says he hopes to see more educational and cultural exchanges between the U.S. and the eastern African country. (State Department courtesy photo)
Brian Nichols, the new U.S. ambassador to Zimbabwe, says he hopes to see more educational and cultural exchanges between the U.S. and the eastern African country. (State Department courtesy photo)

Asi mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vanoti nyika yavo haina kutemera Zimbabwe zvirango asi kuti yakatemera vakuru vakuru muhurumende pamwe nemakambani avo zvirango zvinovatadzisa kushanya kuAmerica pamwe nekuita mabhizinesi nezvizvarwa zvemuAmerica sezvo vakuru ava vachizivikanwa kuti vanhu vane nhoroondo yekutyora kodzero dzevanhu pamwe nekusaremekedza mitemo yenyika.

America inoti iri kubatsira Zimbabwe munyaya dzehutano, dzidzo nezvimwe zvinhu zvinobata veruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG