Accessibility links

Breaking News

Potraz Inoti Hapana Chakaipa paKukwidzwa kweMitengo yeKushandisa Nharembozha Kana Kuti "Data"


Kambani yehurumende inoongorora mashandiro emakambani enharembozha nemadandemutande, yePotraz nhasi yaudza paramende kuti kukwidzwa kwemitengo yekushandisa nharembozha kuti data kunokodzera.

Potraz yati pane kuti vedare vacheme cheme kuti mitengo iyi ideredzwe, nhengo dzeparamende dzinofanira kukuridzira kukwidzwa kwemihoro yevanhu kuti vakwanise kuramba vachishandisa nharembozha dzavo.

Mukuru wePotraz Doctor Gift Machengeta vaudza komiti inoona nezvehumhizha nehumhetura mukufambiswa kwemashoko kana kuti Information Communication Technology kuti mitengo iyi inoenderana nekukwirawo kwaita mitengo yezvino zvinoshandiswa nemakambani aya pakuita basa.

Vati vakabvumira kukwidza kwemitengo iyi uye vanoona sekuti mitengo iyi ndiyo inokwanisa kuita kuti makambani aya aite basa achikwanisa kuramba achiwanawo cheuviri.

Vati kunze kwekuchema kuti mitengo iyi idzikiswe nhengo dzeparamende dzinofanira kuchemera kuti mari dzemihoro dzikwidzwe kuti vanhu vakwanise kuramba vachishandisa mbozhanhare dzavo nemasaisai einternet.

Makambani emafoni, mbozhanhare nemamwe anoita zvemasaisai eindaneti munyika, akakwidza mitengo yavo nezvikamu zvinodarika zana svondo rapfuura uye VaMachengete vati izvi zvakaitika nekuti mitengo inoshandiswa nemakambani aya yakakwirawo.

Vatiwo iyi ndiyo mitengo chaiyo inofanira kuvepo asi chingangonetse ndechekuti vanhu vanoikwanisa kutenga here here kana kuti kwete.

Semuenzaniso mutengo wedata wakakwira kusvika pa 2cents yemari yekuAmerica paMega Bite rimwe chete.

Vatiwo mitengo iyi yakanaka chose kana zvicheanzaniswa nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica.

Asi sachigaro wekomiti iyi, VaCharlton Hwende veMDC vaudza VaMachengete kuti havafanire kuenzanisa Zimbabwe nedzimwe nyika vachiti vanhu vemuZimbabwe vari kutambura zvakananyanya.

Vati vashandi vemuSADC vanotambira mihoro irinani uye vati mitengo iripo parizvino inoratidza kuti vashandi vakaita sevarairidzi havachatokwanisa kuramba vachishandisa mafoni kana kuenda paindaneti uye izvi zvichakanganisa dzidzo munyika.

Mashoko aVaHwende atsigirwa nemumwe mugari wemuHarare, VaStanford Nyatsanza avo vati havabvumirani naVaMachengete.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimiriranaVaMasimba Kuchera vati havawirirani naVaMachengete vachiti pese panowedzerwa mihoro, mitengo yezvinhu zvose inokwira.

Zvichakadai umbowo hwaburitswa nePOTRAZ hwaratidza kuti makambani ehurumende eTeOlne, NetOne neTelecel akarasikirwa nemari ingangosvika mamiriyoni makumi mapfumbamwe kana kuti $90 million ese ari matatu muna2017 kunyange hazvo panguva iyi kambani yeEconet yakawana mari zhinji kana profit inodarika mamiriyoni zana nemakumi matatu kana kuti $130 million.

Gore rapfuura Telecel neTelone dzakarasikirwa nemari asi NetOne neEconet dzikaita mari yakawanda.

VaMachengete vati izvi zvinoratidza kuti makambani aya anogona kunge asiri kuita basa nemazvo.

Nhengo dzekomiti iyi dzati hazvibatsiri kuti makambani aya awedzere mutengo nekuti anongorasikirwa nemari nekuda kwekuti haagoni kuita basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG