Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nehupfumi dzinoti kuchinja kwehutungamiri mubato reZanu PF hazvirevi kuti vanhu vachavhotera bato iri musarudzo kana pasina shanduko muhupenyu hweveruzhinji pamwe chete.
Vanorwira kodzero dzevanhu ava pamwe nenyanzvi munyaya dzematongerwo enyika vanoti kushanduka kwehutungamiri muZanu PF, hakuite kuti bato iri rikunde musarudzo, kana risina kugadzirisa zvakawanda zvinotarisirwa neveruzhinji.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaBrian Kagoro, vanoti kunyange hazvo mumapato anopikisa mune nyonga nyonga, hazvirevi kuti bato reZanu PF richakunda musarudzo.
VaKagoro vanoti hutungamiri hutsva uhwu hwukasagadzirisa mamiriro ezvinhu munyika vanhu vanogona kushaya hany’a neshanduko yakaitika muZanu PF.
Vakasanobata chigaro chemukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vanoti sarudzo dzinoitwa munyika hadzina kusununguka.
VaGumbo vanoti kushandiswa kwemasoja mumabasa ehurumende kwawanda zvikuru zvekuti havaoni sarudzo dzichitwa zviri pachena.
Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaFarai Mabeza, vanotiwo kunyange hazvo zvinhu zvisati zvamira zvakanaka munyaya dzehupfumi, bato reZanu PF rinogona kukunda musarudzo sezvo mutungamiri waro, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuedza kusiyanisa hutungamiri hwavo nehwaVaMugabe.
VaMabeza vapamuenzaniso wekukwira kwemitengo vakati dai iri nguva yaVaMugabe vakatomanikidza kudzikiswa kwemitengo zvisinei nezvikonzero zviri kukwidzisa mitengo iyi. Vanotiwo kukokwa kwaVaMnangagwa kuDavos mucherechedzo wekuti dzimwe nyika dzava kuda kukurukura neZimbabwe.
Asi maonero aVaMabeza panyaya dzekukwidzwa kwemitengo, anopesana nezviri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa.
Svondo rapera, mumwe wevatevedzeri waVaMnangagwa, VaConstantino Chiwenga, vakasangana nevemabhizinesi vakavaudza kuti vadzikise mitengo yezvinhu.
Vakapinda mumusangano uyu vanotiwo vakaudzwa naVaChiwenga kuti zvose zvakataurwa mumusangano naVaChiwenga mbune, hazvaifanirwa kusvika kuvatori venhau, izvo zvakasiya vemaindasitiri vaine kutya kukura.
Facebook Forum