Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Ine Vakuru Vanozivikanwa neNyaya dzeMhirizhonga?


Bishop Ancelimo Magaya
Bishop Ancelimo Magaya

Studio7 neMedia Center dzabatana muchirongwa chaunganidza vatori vrnhau pamwe neveruzhinji vachikurukura mafambiro akaita sarudzo pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Hurukuro idzi dzaburitsa pachena kuti mhirizhonga icharamba ichiitika musarudzo dzemuZimbabwe nekuti vamwe vari kupinda musarudzo idzi vanhu vanozivikanwa munyaya dzemhirizhonga.

Vachitaura pamusangano wekuzeya sarudzo dzichangobva mukuitwa neramangwana reZimbabwe dzaitwa pasi pedingindira rekuti “Which Way Zimbabwe After 2018 Elections, mukuru wesangano reZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya, vati hazvingoni kuti Zimbabwe iite sarudzo dzisina mhirizhonga nekuti vanhu vanoponda vanhu munyika havarangwi uye vanoramba vachiita mabasa avo akaipa.

Bishop Magaya vati Zimbabwe ine nhoroondo yemhirizhonga kubva panguva dzeGukurahundi, hondo yeminda, sarudzo dza2008 uye vamwe vaipomerwa mhosva munyaya idzi vakaita semutungamiriri weZanu PF, nemutevedzeri wavo, VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga havasati vakumbira ruregerero kana kubvuma mhosva dzavanopomerwa.

Vati nekuda kwaizvozvo havana kukatyamadzwa nekuurayiwa kwevanhu nevamauto svondo rapfuura.

Vati chinodiwa kuti nyika iite sarudzo dzakachena kuti vatungamiriri vanopomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga vabude pachena, votaura chokwadi nekukumbira ruregerero.

Asi VaMagaya vati havawoni vakuru vakuru vemuZanu PF vachiita izvi.

Asi Bishop Magaya vati sezvo paine gakava pane zvakabuda musarudzo, zvakakosha kuti VaMnangagwa naVaNelson Chamisa veMDC Alliance, vataurirane kuti munyika muve runyararo.

Asi vamwe vapinda mumusangano uyu, VaRichard Mahomva, vesangano reLeaders for Africa Network, vati runyararo rwakakosha, asiwo nhaurirano dzinofanira kuitwa vanhu vachiremekedza zvakabuda musarudzo.

Mamwe masangano anoshanda akazvimirira pamwe neZimbabwe Council of Churches anoti VaMnangagwa vanofanira kushanda naChamisa muhurumende yavo.

Asi vamwe vakaita mutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti zvehurumende dzemubatanidzwa hazvina zvazvinobatsira uye Zanu PF neMDC dzakatomboshanda pamwe chete muna 2009 kusvika 2013 asi hapana chakabuda.

VaMangagwa naVaChamisa vakasiyana nezvikamu zvishomana musarudzo yemutungamiriri wenyika uye VaChamisa vanoti vachaenda kumatare kunopikisa zvakabuda musarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG