Accessibility links

Breaking News

Vamwe Votsigira Danho reMDC Rekuratidzira, Vamwe Vachiti Bato iri Ngaribatane neVamwe muNhaurirano


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vachisangana nevatsigiri vavo. VaChamisa vanoti vatsigiri vavo vari kuda kuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vachisangana nevatsigiri vavo. VaChamisa vanoti vatsigiri vavo vari kuda kuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa vakazivisa nezuro kuti bato ravo rave kuzopinda mumigwagwa richiratidzira pamusoro pemabatirwo avakati ari kuitwa nyaya dzehupfumi hwenyika nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

VaChamisa vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare neChitatu, vakati misangano yavakaita nenhengo dzavo mumatunhu gumi emunyika yakavaratidza kuti vanhu vaneta nekuparara kwehupfumi.

Mutungamiri weMDC uyu akati vatsigiri vebato rake vave kuda kuti vapinde mumigwagwa, vachiti iyi ndiyo chete nzira yekugadzirisa nayo zvinetswa izvi.

Mushure memusangano uyu, vechidiki veMDC mudunhu reHarare vakabva vapinda mumigwagwa vachiratidzira vachikurudzira kuti VaMnangagwa vasiye basa. Varatidzira ava vakazoparadzwa nemapurisa achishandisa utsi hunokachidza.

Zvichitevera mashoko aya, pave nemaonero akasiyana pamusoro pedanho riri kukurudzirwa navatsigiri veMDC iri, vamwe vachiti pane nzira dzakawanda kwazvo dzekugadzirisa nadzo matambudziko ari munyika dzisiri kupinda mumigwagwa.

Ukuwo, vamwe vari kuti mutauro unonzwisiswa nehurumende chete ndewekuti vanhu vapinde mumigwagwa, uye izvi zvinobvumirwa mubumbiro remitemo yenyika.

Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu ndemumwe wevari kukurudzira kuti vanhu varatidzire murunyararo, vachiti hapana chinobatika chati chaitwa nehurumende mukuratidza kuti ine zvairi kuita mukugadzirisa hupfumi hwenyika.

Asi izvi zvinoshoropodzwa nasachigaro vevechidiki vebato reZanu PF mudunhu reHarare, VaAlex Gakanje, avo vanotsoropodza pfungwa yaVaMaguwu yekuti vanhu varatidzire, vachiti VaMaguwu vari kufurira vanhu kuti vapinde mumigwagwa vachityora mutemo.

Asi VaMaguwu vanoti chinhu chinozivikanwa nemunhu wese kuti kubva muna 2000 nyika haina kwairi kuenda, iri kungotenderera panzvimbo imwechete nekuti hurumende iri kungoramba ichipa pfungwa dzisina zvadzinobatsira nyika nazvo.

VaGakanje vanoti mhirizhonga iri kukurudzirwa neMDC iyi inotora hupenyu hwevanhu vanenge vaiswa pamhene nemaitiro akadai.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaAlex Gakanje
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG