Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakachengetedzwa paVhuti kuMash West Voiswa Hutano Hwavo Panguva Yakaoma


CoronaVirus Masks Unaffordable
CoronaVirus Masks Unaffordable

Hurumende iri kuenderera mberi ichiratidza kusarongeka kwemhando yepamusoro apo vanhu vakabva kuZambia vachipinda munyika, vakagariswa panzvimbo isina kukodzera panguva iyo vanenge vachiongororwa chirwere cheCovid-19 sezvinokurudzirwa nesangano reWorld Health Organization.

Nzvimbo inosvikira vanhu iyi haina kumira zvakanaka sezvo ichiisa hupenyu hwevanhu padanho rakaomarara.

Pari zvino paVhuti pane vanhu gumi vakachengetedzwa zvichitevera kupinda munyika kwavakaita vachibva kuZambia.

Dzimba dzinogara vanhu hadzina magonhi, hapana magumbeze, hapanawo mvura yakachenam magetsi, chikafu nezvimwe zvakakosha kuitira kuti munhu ararame zvakanaka, uye kuti asabatwe nechirwere.

Chikoro cheVhuti chinonzi chaifanirwa kunge chakagadziriswa nekuvakiridzwa nebazi rezvekuvakwa kwezvinhu, vanhu vasati vagariswa panzvimbo iyi, asi izvi hazvina kuitika.

Kusamira zvakanaka kwezvinhu pachikoro ichi kwakabudawo pamusangano wakaitwa neChina pakati pegurukota redunhu reMashonaland West, Amai Mliswa-Chikoka, namasachigaro emakomiti ari kuona nezvekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mukuru wezvehutano mudunhu reMashonaland, West Dr Wensilus
Nyamayaro, vakati pari kuchengeterwa vanhu ava hapana mvura, magetsi,
zvekudya uye pamwe nemagonhi mudzimba dzavari kugara.


Dr Nyamayaro vakati pagere vanhu ava hapanawo hutsanana zvekuti
mararamiro avari kuita anotyora kodzero dzavo zvakanyanya.

Mukuru webazi reSocial Welfare muMashonaland West, Amai Agnes Mutowo, vakati vanovaka zvivakwa zvehurumende vakaudzwa kuti vagadzirise nzvimbo iyi asi hapana zvavati vaita kusvika pari zvino.

Asi mukuru wePublic Works mudunhu iri,VaTrymore Mutizwa, vakatiwo havasati vatengerwa zvinodiwa kuti vagadzirise midhuri iri kugara vanhu ava pachikoro cheVhuti.

Vachitaurawo pamusangano wanezuro Amai Mliswa-Chikoka vakati havasati vawana rubatsiro kubva kuhurumende kuburikidza nekomiti yeNational Taskforce, kunyange komiti iyi yakavaudza kuti vanyore zvose zvavari kuda mudunhu ravo.

Kusarongeka kwehurumende kuri kubudawo munzvimbo dzakawanda dzakachengeterwa vanhu vakamirira kuongororwa Covid-19 vasati vabvumidzwa kuenda kudzimba dzavo sezvinodiwa nesangano reWorld Health Organization sedanho guru rekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Zimbabwe ine nzvimbo nomwe dzakachengeterwa vanhu vakabva kune dzimwe nyika vari kuongororwa Covid-19 vasati vabvumidzwa kuenda kumisha yavo.

Mune imwewo nyaya, kanzuru yeChinhoyi yatanga kupaza zvivakwa zvanga zvichitengeserwa zvinhu nevanhu sezvavakataurirwa nehurumende.


Mutauriri wekanzuru, VaTichaona Mlauzi, vati vanhu pachavo ndivo vari
kupaza zvivakwa zvavo sezvo vakavaonesa kuti vakaita zviri kunze
kwemutemo.

Asi vanomirira vagarii muChinhoyi, VaKliford Khlupeko, vati havasi
kufara kuti vanhu vari kumanikidzwa kupaza zvivakwa zvavo zvavanga
vachitengesera kuitira kuti vararame sezvo vanhu vakawanda vasina mabasa munyika.

Hurumende yakazivisa makanzuru ose munyika kuti achenese maguta
munguva ino yekuvharwa kwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG