Accessibility links

Breaking News

Pazuva reKubatana, VaMnangagwa Vokurudzira Nhaurirano Vanopikisa Vachiti Pamuromo Chete


Vashakabvu VaRobert Mugabe naVaJoshua Nkomo
Vashakabvu VaRobert Mugabe naVaJoshua Nkomo

Zimbabwe nemusi weChitatu yakacherechedza makore makumi matatu nemana pasainwa chibvumirano cheUnity Accord icho chakabatanidza mapato akarwira nyika eZAPU neZANU muna 1987 mushure mekunge paita kusanzwisisana pakati pemapato aya izvo zvakaurayisa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri kubva muna 1983.

Mumashoko avo ekupemberera zuva iri, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varumbidza vakanyorerana chibvumirano ichi, vashakabvu Joshua Nkomo vaitungamirira PF ZAPU navaVaRobert Mugabe vaitungamirira ZANU-PF vachiti chibvumirano ichi chakunza runyararo nekugadzikana munyika.

Vati Unity Accord yakaunza runyararo nekugadzikana munyika izvo zvave kuita kuti nyika ikwanise kuita budiriro nekusimudzira mararamire everuzhinji.

VaMnangagwa vati chidzidzo chikuru chinobva pane zvakaitwa naVaNkomo naVaMugabe ndechekuti kupokana kwese kunogadziriswa chete nenhaurirano dzinoitwa murunyararo.

Vati vakazvipira kuramba vachitaura nevanhu vari mumatunhu akaurawa vanhu panguva yeGukurahundi nechinangwa chekuona kuti marwadzo avo apodzwa.

Vatiwo madzishe ari kutungamira basa iri pamwe nekuona kuti nzvimbo idzi dzasimudzirwawo sedzimwe nzvimbo munyika.

Asi mutungamiriri weZAPU uye ari mwana wamushakabvu Joshua Nkomo, VaSibangilizwe Nkomo vati zuva ranhasi harisi rekupemberera asi kuchema vanhu vakaurawa panguva yeGukukurahundi.

Pamashoko aVaMnangagwa ekuti vari kusangana nekutaura nevanhu vekuMatabeleland neMidlands, VaNkomo vati chakakosha kutanga kutaura neZAPU nekuti vanhu vakapondwa muzita rebato iri.

Mumwe mugari wemuHarare VaAlick Gomo vati havachaoni kukosha lweNational Unity Day nekuda kwekuchema chema nekugunun’una kuri kuita vanhu vakawanda munyika.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi vaudza Studio 7 kuti zuva iri rakakoshera kuZAPU neZANU asi vakati vanhu vanogonawo kudzidza kubva kune zvakaitwa naVaNkomo naVaMugabe.

PF ZAPU ndiro raive bato guru raipikisa muna 1980 uye zvichitevera Unity Accord mapato aya akabava abatana kuva ZANU PF.

Asi vamwe vaive nhengo dzeZAPU vasina kufara nezvaitika muZANU PF vakabuda vakadzokera kunoumba zvakare bato ravo reZAPU

Zuva rakaisainwa Unity Accord musi wa22 Zvita 1987 rave zororo rinocherechedzwa gore rega rega musi uyu.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa mushure mekunge hurumende yatumira mauto eFifth Brigade kuMidlands neMatabeleland ayo ari kupomerewa mhovsa dzekuponda.

Vakawanda vakafa munguva iyi vachiri vakavigwa mumakuva akawanda kana kuti vari mumigodhi iri mumatunhu aya.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG