Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rocherechedza Zuva Rinokoshesa Rurimi rwaAmai


Pasi rose racherechedza zuva rekukoshesa rurimi rwaamai kana kuti International Mother Language Day iro raitwa neChitatu paine kurudziro yekuti munhu wese anofanirwa kukoshesa rurimi rwake.

Nyika dzakawanda dzanga dziine zvirongwa zvakanaka nekukurudzira mitauro yemunyika idzi.

MuZimbabwe mune mitauro gumi nemitanhatu iri mubumbiro remitemo yenyika.

Mitauro iyi inosanganisira Shona, Chewa, Khoisan, Tonga, Tswana, Nambya, Barwe, Shangani, Chirungu, Ndau, Sotho, Kalanga, Ndebele, Venda, Xhosa uye muaturo wemaoko, Sign Language.

Kunyange hazvo mimwe yemitauro iyi yava kudzidziswa muzvikoro, varairidzi nevadzidzi vanoti hapana mabhuku kana zwinyorwa zvakakwana.

Bumbiro remitemo yenyika harisati ranyorwa nemitauro yese iyi.

Nyanduri, uye achitsikisa mafirimu, Davison Mudzingwa, audza Studio7 kuti mitauro yese muZimbabwe inofanirwa kukosheswa zvakaenzana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG