Accessibility links

Breaking News

Paramende Yotarisirwa Kubvunzurudza VaMugabe nezveHuori kuMangoda ekwaChiyadzwa


Mugabe Launched
Mugabe Launched

Vaimbova mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vave kutarisirwa nemusi weChitatu kubvunzurudzwa nekomiti inoona nezvezvicherwa nezvehuori hunonzi hwakaitika kwaMarange zvakapa kuti nyika irasikirwe nemari yavakamboti inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu.

Komiti iyi inoti yakazvipira kuenda kumba kwavaMugabe ku Blue Roof semucherechedzo we kuremekedza zera nehutano hwaVaMugabe. Asi vanoongorora nezvenyaya dzezvicherwa vanoti hapana chinobatika chichabuda mutsvagurudzo dzavari kuita idzi

Hatina kukwanisa kunzwa kuna VaMugabe asi sachigaro we komiti iyi, VaTemba Mliswa vanoti vangomirira kunzwa kubva kuna VaMugabe kuti vakasungunuka here. Vati havasi kuvapomera mhosva asi kuti vari kuda kunzwisisa kuti zvinhu zvakafamba sei.

Mukuru we sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti danho iri harina kuipa asi pane humbowo hwakakwana hwunoraridza kuti pane vakakanganisa. Vati dai hurumende yagona kubuda nechokwadi munyaya iyi kuitira kuti nyika isazorasikirwe zvakare nemari dzakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG