Vaimbova mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vave kutarisirwa nemusi weChitatu kubvunzurudzwa nekomiti inoona nezvezvicherwa nezvehuori hunonzi hwakaitika kwaMarange zvakapa kuti nyika irasikirwe nemari yavakamboti inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu.
Komiti iyi inoti yakazvipira kuenda kumba kwavaMugabe ku Blue Roof semucherechedzo we kuremekedza zera nehutano hwaVaMugabe. Asi vanoongorora nezvenyaya dzezvicherwa vanoti hapana chinobatika chichabuda mutsvagurudzo dzavari kuita idzi
Hatina kukwanisa kunzwa kuna VaMugabe asi sachigaro we komiti iyi, VaTemba Mliswa vanoti vangomirira kunzwa kubva kuna VaMugabe kuti vakasungunuka here. Vati havasi kuvapomera mhosva asi kuti vari kuda kunzwisisa kuti zvinhu zvakafamba sei.
Mukuru we sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti danho iri harina kuipa asi pane humbowo hwakakwana hwunoraridza kuti pane vakakanganisa. Vati dai hurumende yagona kubuda nechokwadi munyaya iyi kuitira kuti nyika isazorasikirwe zvakare nemari dzakawanda.
Facebook Forum