Accessibility links

Breaking News

Paramende Inoti RBZ Iri Kukwereta Mari Zhinji Zvisiri paMutemo


Doctor John Mangudya
Doctor John Mangudya

Komiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende, yePublic Accounts, nhasi yaratidza kusafara nenyaya yekuti bhanga guru rerenyika, reReserve Bank, riri kutyora bumbiro remutemo wenyika nekukwereta mari kubva kune mabhanga nemasangano ekunze risina mvumo yeparamende.

Izvi zvabuda apo gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vevamwe vakuru vakuru mubhanga iri vange vari kubvunzurudzwa pamusoro pemabatirwe ari kuitwa mari dzehurumende.

VaMangudya vaudza komiti iyi kuti RBZ yakakwereta mari inosvika mamiriyoni mazana mapfumbamwe nemakumi maasere nemashanu kana kuti $985 million kumabhanga akaita seAfrican Export and Import Bank uye vati mari iyi ndiyo iri kushandiswa kutengesa zvinhu zvakaita semafuta emotokari.

Sachigaro vekomiti iyi, VaTendai Biti, vati paramende haina zvainoziva nezvezvikwereti izvi uye pamutemo paramende ndiyo inofanira kupa RBZ kana hurumende mvumo yekukwereta mari kubva kunze kwenyika.

Vati RBZ iri kutyora bumbiro remutemo uye inofanira kusiyana kusiyana nezvairi kuita uye inofanira kuuya kuparamande kuzopihwa mvumo pane zvayakaita.

Asi VaMangudya vati mari iyi yakakweretwa zviri pamutemo vachishandisa mutemo weReserve Bank Act uye vakawana mvumo yekuita izvi kubva kugurukota rezvemari pamwe negweta rehurumende.

VaMangudya vati semaonero avo, vakaita basa ravo uye vanoona sekuti gurukota rezvemari ndiro raifanirwa kutsvaka mvumo yekukwereta kuparamande.

VaBiti zvese zviri kuitwa neRBZ zviri kunzwe kwemutemo uye RBZ nebazi rezvemari vanofanira kuuya kuparamende kuzopihwa mvumo.

VaMangudya vabvuma kuti vanogona kunge vakakanganisa uye vachagadzirisa pakatadzwa asi varanagaridzwao VaBiti kuti paive gurukota rezvemari vakakweretawo vasina mvumo yeparamende.

Imwe nyaya isina kufadzawo komiti iyi, ndeyekuti RBZ yakakweretesa hurumende mari yakawandisa kudarika mari yainofanira kunge ichiikweretesa.

Mutemo unoti RBZ haifanira kukweretesa hurumende mari inodarika zvikamu makumi maviri kubva muzana zvebhajeti rehurumende. VaMangudya vaudza komiti iyi kuti gore rapfuura RBZ yakakweretesa hurumende mati inosvika $2.9 billion iyo hurumende yaive nebhajeti re$5 billion.

VaMangudya vatiwo kuti hurumende isakwereta kubhanga ravo, paramende inofanira kuipa mari yakakwana mubhajeti.

Nhengo dzekomiti iyi dzaratidzwo kusafara nenya yekuti bhanga guru ririkuramba richiita zvikwereti risina mvumo yeparamende uyewo vati havasi kufara nekambani yebhanga iri yeZimbabwe Asset Managament Company iyo yakatora zvikwereti zvemakambani ainge ave kutadza kubhadhara zvikwereti kumabhanga.

VaBiti vati zviri pachena kuti kambani yeZAMCO yakatora zvikwereti zvevanhu vane chekuita nezvematongerwo enyika uye vati vanobvumirana negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube kuti kambani iyi inofanira kuvharwa sezvo ichifurira vanhu kuti vasabhadhare zvikwereti.

VaMangudya vazivisawo kuti maBond Notes akabudirira pane zvaakatangirwa zvekukurudzira vanhu makambani kuti atengese zvinhu kunze kwenyika.

VaMangudya avo vabvunzurudzwa kwemaawa anodarika maviri vachadzoka kudare neMuvhuro svondo rinoouya kuti vazoenderera mberi vachibvunzwa nyaya dzemaBond Notes, Monetary Policy, kunetsa kwemari yekunze nemamwe mabasa ebhanga iri.

Nemusi weChina svondo rino , VaMangudya vachabvunzurdzwa nekomiti inoona nezvemhando dzemoto pamusoro pehurongwa hwavo kwekutsigira mabasa ekutengwa kwemafuta edzimotokari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG