Accessibility links

Breaking News

Paramande Yoshora Bazi reZvedzidzo paNyaya Yekumbunyikidzwa kweVadzidzi


Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi redzidzo yepamusoro, VaThomas Pasipamire, nhasi vatsamwisa nhengo dzeparamende apo vadziudza kuti pane nyaya mbiri chete dzakamhan’arwa dzevarairidzi vemuzvikoro zvepamusoro vakambunyikidza vadzidzi gore rapera.

Nhengo dzeparamende dzati dambudziko iri rakakura zvikuru kuzvikoro zvepamusoro soro.

VaPasipamire avo vange vachipa humbowo kukomiti inoona nezvenyaya dzemadzimai pamusoro penyaya dzetangawandida kuti uwane nzvimbo kana kuti upase vati inyaya mbiri chete dzakamhan’arwa uye vakadzipara vakapara mhaka idzi vakatodzingwa basa.

Vati bazi ravo nemakoreji ose ane hwaro hwekuti vadzidzi vamhan’re pamwe nekuti nyaya idzi dzinogadziriswa sei.

Asi nhengo dzekomiti iyi hadzina kufara zvachose dzichiti dzakawana humbowo kubva kusangano rinomirira vadzidzi vechidzimai reFemale Students Network hwekuti pane zvikamu zvinodarika makumi manomwe kubva muzana zvevadzidzi zviri kunyunyuta nenyaya dzetanga wandida mumakoreji nemayunivhesiti.

Imwe nhengo yekomiti iyi, Amai Joyce Jaja, vanoti varwadziwa zvakanyanya nemashoko aVaPasipapamire vachiti zvinoratidza kuti pane zvavari kuvanza.

Amai Jaja avo vanovewo nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepamusoro, vati vakafamba mumakoreji nemayunivhesti gore rapera vakazvinzwira nekuzvionera pamhuno sefodya uye bazi raVaPasipamire rinofanira kugadzirisa nyaya iyi nekukasika.

Vamwewo vasina kufara ndiAmai Perseverence Zhou vao vati mashoko aVaPasipamire aratidza kuti havasi kuita basa ravo nemazvo.

Vati bazi redzidzo yepamusoro rinofanira kuita basa nemazvo nekuuya nehumbowo hwakakwana kuti paramende iri batsire kugadzirisa dambudziko iri.

Amai Rosy Mpofu vatiwo bazi iri rinofanira kuunzawo kuparamande humbowo hwevadzidzi vanorarama nehurema vachiti ndiwo vanotoshungurudzwa zvakanyanya.

VaPasipamire vati vanzwisisa zvichemo zvenhengo dzeparamende idzi asi vakati havagoni kunyepa pamberi padare.

Vati nyaya dzavataura nezvadzo ndidzo chete dzakamhan’arwa vakati paramende inofanira kuvabatsira kuti vadzidzi vanenge vambunyikidzwa vabude pachena..

Vaenderera mberi vachiti pano fanira kuve nenzira yekuti vadzidzi vamhan’are vakasununguka vachiti semaonero avo, zvinoita sekuti vadzidzi vanotya kuti vanogona kuzopinda munyatwa yakanyanya kana vakamhan’ara nyaya dzavo dzekushungurudzwa nevarairidzi.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepamusoro, VaDaniel Molokela, vaudza Studio 7 kuti nyaya yekushungurudzwa kwevadzidzi ndeeimwe nyaya hombe yakataurwa nevadzidzi apo komiti yavo yakatenderera nenyika gore rapfuura.

Sangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro, reZimbabwe National Students Union, ZINASU rakatopawo humbowo kukomiti iri richitaura kuti dambudziko rekushungurudzwa kwevadzidzi vechidzimai rakakura zvakanyanya muzvikoro zvese zvepamusoro.

Mutungamiriri weZINASU VaTakudzwa Ngadziore vati havabvumirani nemashoko aVaPasipamire.

Vakasanobata chigaro chasahigaro wekomiti yemadzimai, Amai Mirian Chikukwa,vaudza VaPasipamire nechikwata chavo kuti vadzoke zvezvakare komiti iyi nehumbowo hwakakwana kuti vakwanise kunyora gwaro rakakwana rekutura kuparamende.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG