Accessibility links

Breaking News

Tsvagiridzo yePandora Papers Inodoma Vamwe Vakuru Vakuru Vari Pedyo naVaMnangagwa Vanonzi Vari Kuita Huori


Zimbabwe Independence Celebrations
Zimbabwe Independence Celebrations

Vamwe vakuru vakuru muZimbabwe vakadomwa nePandora Papers sevanhu vari pamberi mukuita huori vachiburitsa mari kunze kwenyika, izvo zviri kupa kuti hurumende irasikirwe nemari yemitero pamari dziri kunze kwenyika idzi.

Magwaro ePandora Papers ari kudoma muzvinabhizinisi VaBilly Rautenbach, VaMartin Rushwaya pamwe nemakambani emasoja sevamwe vevakuru vakuru vaiburitsa mari yakawandisa kunze kwenyika zvinofungidzirwa kuti hazvisi pamutemo.

VaRushwaya vanonzi vakaumba kambani yeGreatgem Corp vakainyoresa muna 2010 kuSeychelles vachibatsirwa nekambani yemagweta yekuRussia. Mukuru wekambani iyi, ndiVa Grey Mashava, avo vanonzi vakasimudzirwa muchiuto nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa muna 2018 kuva Major General.

Mapepa aya anoti VaRushwaya vanenge vakaumba kambani iyi panguva iyo Zimbabwe yakaita chibvumirano nekambani yekuChina, ye Anjin, iyo yakapihwa mvumo yekuchera mangoda kwaMarange.

VaRushwaya ndivo vaive munyori mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika kubva muna 2009 kusvika muna 2019 apo vakazokwidziridzwa pabasa naVaMnangagwa kuva mutevedzeri wemunyori muhofisi yemutungamiri wenyika.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, Doctor Alex Magaisa, vati nyaya yaburitswa iyi inoratidza huori hwatekeshere pasi rose kwete munyika ino chete.

VaMagaisa vati kazhinji mari idzi dzinenge dzawanikwa zvehuori asi
dzofambisva mumabhanga senzira yekudzichenesa.

VaMagaisa vati zviri kuratidza kuti vane mari ava vanenge vachida
kusabhadhara mitero uye zvinoshaisa budiriro munyika.

Dr Magaisa vati chinonyanya kurwadza ndechekuti vanhu vadomwa ava
vane hushamwari nevanenge vachitonga nekudaro kunyange vanhu vakachema sei hapana zvavanoitwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vachishanda Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vati kuburitswa kwemari zvisiri pamutemo ndicho chikonzera chikuru chiri kuita kuti nyika zhinji muAfrica dzive nehurombo.

VaChitambara vati mari ingadai ichitenga mishonga muzvipatara, kuvaka
madhamu, kugadzira migwagwa pamwe nekudyarwa munyika, iri kuendeswa kunyika dzakabudirira.

VaChitambara vati dambudziko iri rinonetsa kupedza sezvo vanozviita
vachizivana nevanenge vaine masimba munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaWitness Dube, vati senyika
panofanirwa kuitwa ongororo yakazara kuti pave nehumbowo hunoita kuti vanhu ava vatongwe sezvo huori huri kudzosera nyika kumashure.

Rautenbach vanonzi vane hushamwari hwakakomba naVaMnangagwa uye VaRushwaya vanonzi ihama yaVaMnangagwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMnangagwa, VaRautenbach naVaRushwaya apo taenda pamhepo.

Studio7 hainawo kukwanisa kunzwa kumunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, kuti tinzwe divi rehurumende.

Mapepa ePandora Papers akanyorwa nevatori venhau vanosvika mazana matanhatu kubva kunyika dzakasiyana muhurongwa hwaikokerwa neInternational Consortium of Investigative Journalists vachinyora pamusoro pechikiribidi munyaya dzezvemari zvinoitwa nevezvematongerwo enyika, vemabhizinisi.

Magwaro aya anodoma vatungamiri nevaimbove vatungamiri venyika makumi matatu nevashanu, vezvematongerwo enyika mazana matatu nemakumi matatu kubva munyika makumi mapfumbamwe neimwe chete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG