Accessibility links

Nherera nevanoshaya kwaMurehwa vari kunyemwerera nemufaro zvichitevera rubatsiro rwemari inoita zana nemakumi mashanu ezviuru zvemadhora rwavakapihwa nehurumende yeAmerica kuburikidza nesangano reUnited States Africa Development Foundation.

Sangano reHeather Chimoga Orphan Care rakapihwa mari iyi nemusi weChina kuitira kuti ishandiswe mumabasa emaoko anounza mari kuitira kuti risarambe richipemha rubatsiro.

Imwe nherera inochengetwa nesangano iri, Althea Kaputa, anoti rubatsiro urwu huchavandudza hupenyu hwake.

Izvi zvinotsigirwawo naTrosky Nyahunzvi, uyo ari kuita Form Three. Nyahunzvi anoti haazivi kuti aitangira papi dai asina rubatsiro rwaanowana.

Imwe yechirikadzi yakasiiwa ine vana vapfumbamwe inogara muWard 1 mumusha weNyamashato kwaMurehwa, Amai Emmaculate Murehwa, vanoti sangano reHeather Chimoga riri kushandura hupenyu hwenherera zhinji.

Mutungamiriri weHeather Chimoga, VaAlbert Mukondwa, vanoti vanotarisira kuti mari yavakapihwa iyi ivabatsire mumabasa avo emaoko kuti vasarambe vachipemha.

Sangano iri riri kubatsira nherera mazana manomwe ane makumi masere nemana dziri muzvikoro zvakasiyana-siyana kusanganisira kumaunivhesiti.

Mumiriri weAmerica MuZimbabwe, Ambassador Harry K. Thomas Junior, vanoti zvinovafadza zvikuru kuwona zvirongwa zvinobetsera mukusimudzira nherera nevechidiki kuitira kuti vave nehupenyu hwakajeka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG