Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeBato raAmai Mujuru Dzooneswa Chitsvuku kuMt Darwin.


Zanu PF Youth

Nhengo dzemapato anopikisa kuMt Darwin dziri kuchema chema nerekuti dziri kutyisidzirwa nebato riri kutonga re Zanu PF.

Vataura ne Studio7 vanoti vari kuudzwa kuti vacharwiswa kana vakasavhotera Zanu PF musarudzo.

Izvi zvasiya vakawanda vachifunga zvakaitika musarudzo dza 2008 idzo dzakaita mhirizhonga yakasiya vanhu vanodarika mazana maviri vafa, uye zviuru nezviuru zvaputsirwa dzimba nemidziyo.

Sarudzo yakadzokororwa pakati pevaive mutungamiri weMDC –T muchakabvu Morgan Tsvangirai, nevaive mutungamirir we Zanu PF panguva iyi, VaRobert Mugabe, yakazoitwa naVaMugabe vega mushure mekunge Va Tsvangirai vabuda vachiti havangapinde musarudzo izere ropa.

Mumwe mugari weku Mt Darwin ari nhengo yebato reNational People’s Party, Va Godknows Chawana, vaudza Studio7 kuti vanhu vagere munharaunda ye Mt Darwin vave kugara vachingotya nekuti hupenyu hwavo hunogona kudaro huri munjodzi.

National People's Party riri kutungamirwa naAmai Joice Mujuru, avo vakadzingwa mubato reZanu PF muna Kubvumbi 2015 vachipomerwa mhosva yekuzvidza pamwe nekuda kupfuudza VaMugabe.

VaChawana vati dunhu ravo ragara ndiro remamwe akaita mhirizhonga. Vanoti kunyange hazvo vakamhangara nyaya yavo kumapurisa, vanhu vacho vari kuregedzwa pasina mhosva yavapomerwa.

Kunze kwekutyisidzirwa, vanoti zvinyorwa zvavo zvekushambadza nhengo dzavo zviri kubvarurwa neve Zanu PF munharaunda iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG