Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinoratidzira paMuzinda weZimbabwe muWashington DC


MDC NAP demos in Washington
MDC NAP demos in Washington

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muAmerica zvaungana pamuzinda weZimbabwe uri muWashington DC zvichiratidzira.

Varatidziri ava vabva kumatunhu akasiyana siyana muAmerica vaine chinangwa chekuratidza kusafara kwavo nezviri kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Zvavasiri kufara nazvo zvinosanganisira kusungwa sungwa kuti kuitwa nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, varwiri vekodzero dzevanhu muZimbabwe pamwe nekuondomoka kwaita hupfumi hwenyika.

MDC demos in Washington DC
MDC demos in Washington DC

Mumiriri weZengeza West muparamende, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vakasungwa mushure mekutaura mashoko anonzi nehurumende aive akanangana nekuda kubvisa VaMnangagwa pachigaro nechisimba.

VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Kuratidzira kwaitwa muWashington DC kwange kwakarongwa nedunhu reMDC muNorth America.

Zvinonzi kuratidzira kwakadai kwaitwawo muguta reToronto kuCanada.

Sachigaro vedunhu North America, VaTawanda Dzvokora, vanoti chinangwa chavo ndechekuudza pasi rose kuti hurumende iri muZimbabwe inotyora kodzero dzevanhu vayo.

VaDzvokora, avo vabva kudunhu reNorth Dakota, vanoti kunyange hazvo varatidzira neMugovera, vamwe vavo vachasvitsa gwaro ravo renyunyuto kuvashandi vepamuzinda weZimbabwe muWashington nemusi weMuvhuro.

VaDzvokora vanoti yava garoziva kuti vakaenda kunoratidzira pamuzinda uyu pakati pesvondo, vashandi vepo vanotiza vosiya vakavhara magedge avo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remuzinda weZimbabwe muWashington, uyo usingadi kutaura nesu kunyange ukakumbirwa kuita izvi.

Mushure mekuratidzira, VaDzokora nevamwe vavo vanoti vachaungana kumba kweimwe nhengo yebato ravo uko vachange vachizeya nyaya dzebato pamwe negwara rekutevedza muhurongwa hwavo sebato mudunhu reNorth America.

Zimbabwe yakatarisana nenguva yakaoma zvichitevera kutadza kutonga kwebato reZanu PF kubva pakawana nyika kuzvitonga muna 1980.

Nyanzvi munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu dzinoti muZimbabwe mune huori hunotyisa uhwo huri kupa kuti nyika irambe yakaenda kumawere munyaya dzehupfumi.

Zvinhu zvakazonyanya kushata muZimbabwe pakatanga kubvutwa mapurazi evachena achipihwa vanhu vatema zvikuru vakuru vakuru muZanu PF.

Izvi zvakasiya nyika, iyo yaimbove dura rechikafu renyika dzekuchamhembe kweAfrica, yopemha chikafu kubva kudzimwe nyika.

United Nations inoti panodiwa mari inodarika mazana maviri emamiriyoni emadhora ekuAmerica yekutengera chikafu vanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu muZimbabwe kubva mwedzi wa Chikunguru gore rino, kusvika muna Kubvumbi gore rinouya, apo panotarisirwa kuti nyika inenge yava negoho kana mvura ikanaya zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG