Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Icharamba Ichirwisa Huori Munyika


Advocate Fadzayi Mahere Mutauriri weMDC Alliance Vachitaura Pamusoro Pezvaitika
Advocate Fadzayi Mahere Mutauriri weMDC Alliance Vachitaura Pamusoro Pezvaitika

MDC Alliance inoti icharamba ichirwisa nyaya yehuori munyika zvisinei nematambudziko ari kusangana nebato iri.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, mutauriri webato iri, Muzvare Fadzayi Mahere, vati vacharamba vachirwisa kusafambiswa kwemari yenyika zvakanaka huye kumanikidza kuti komishini inoona nezvehuori isunge vese vanoita huori munyika kusanganisira vari kutora mukana wechirwere cheCOVID-19 kubira nyika mari.

Muzvare Mahere vatiwo sebato, vakaona nyaya dzehuori dzisiri kutsvagurudzwa zvinovagutsa, vachange vachizoratidzira mumigwagwa munguva shoma inotevera.

Muzvare Mahere vatiwo MDC Alliance haisi kuzotambisa nguva ichirwisa zvinhu zvisingabuditsi Zimbabwe mumatope mairi vachiti chinangwa chebato ravo kuona kuti vana veZimbabwe vabuda mukutambura uku.

Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi, vatiwo kusatongwa kwenyaya dzehuori dzichipera vanhu vachiendeswa kujeri zvimwe zvezvinhu zviri kuita kuti veruzhinji vagunun’une.

Asi vanoona nezvekubuditsa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kugona chose kurwisa huori.

VaMugwadi vati vanhu vari kuita zvehuori vari kusungwa neZimbabwe Anti-Corruption Commission, Zacc, nemapurisa.

Panyaya yekuti vamwe vari kusungwa nyaya dzavo dzotora nguva refu dzichiri mumatare, VaMugwadi vati hurumende yaVaMnangagwa haingagoni kumhanyisa matare asi vakati pane vamwe vaive muhurumende vakatobatwa nemhosva yehuori kusanganisira VaDouglas Tapfumaneyi vaishanda kumahofisi emutungamiriri wenyika.

Gurukota rinoona nezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vati vanga vasati vaona mashoko ataurwa nebato reMDC Alliance aya nekudaro hapana chavaigona kutaura nezvenyaya yekurwiswa kwehuori zvakakwana munyika.

Mutauriri weZacc, VaJohn Makamure, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kuti tinzwewo divi ravo panyaya yekurwisa huori munyika.

MDC Alliance yaramba mashoko ekuti ine chekuita nemhirizhonga inonzi yaitika pamuzinda weMorgan Tsvangirai House.

Muzvare Mahere vati gakava riripo pakushandiswa kwemuzinda uyu vakarisiira kumatare edzimhosva huye ibato rinotevedzera mitemo yenyika.

Apo Muzvare Mahere vanga vachitaura nevatori venhau, MDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe inonzi yanga iri mubishi rekuunganidza mazita evanhu vairi kuda kudzinga mudare reNational Assembly.

Vanonzi vari kutarisirwa kudzingwa muparamende chero nguva vanosanganisira VaAmos Chibaya, VaInnocent Gonese, Muzvare Joanna Mamombe, VaHappymore Chidziva, VaJob Sikala, VaDaniel Molokele, VaCaston Matewu naVaSamuel Banda.

Huwandu hwenhengo dzeMDC dziri kuda kudzingwa hunonzi hunogona kukwira zvichitevera mhirizhonga inonzi yamboitika pamuzinda weMorgan Richard Tsvangirai House.

Studio7 haiana kukwanisa kunzwa kumunyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, pamusoro pehurongwa hwebato ravo hwekudzinga dzimwe nhengo muparamende.

Bato iri rakatodzinga kare nhengo ina dzinoti Muzvare Thabitha Khumalo, VaProsper Mutseyami, VaCharlton Hwende, naAmai Lilian Timveos.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG