Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Vari Kumiswa Mudare Zvisiri paMutemo


Opposition leader Tendai Biti who early this week fled to Zambia seeking asylum, arrives at the Harare Magistrates Court, Aug 10, 2018, to challenge his deportation from Zambia and his subsequent arrest. (C. Mavhunga for VOA)
Opposition leader Tendai Biti who early this week fled to Zambia seeking asylum, arrives at the Harare Magistrates Court, Aug 10, 2018, to challenge his deportation from Zambia and his subsequent arrest. (C. Mavhunga for VOA)

Mutungamiri wePeople’s Democractic Party zvakare vari nhengo yeMDC Alliance, VaTendai Biti, vaudza dare ramajisitireti muHarare kuti vari kumiswa pamberi pedare iri zviri kunze kwemutemo sezvo vakapambwa kuZambia uko vainge vanotsvaga hupoteri svondo rino.

VaBiti vaudza dare kuti vakaenda kuZambia mushure mekuona kuurayiwa kwainge kwaitwa vanhu pamwe nekushungurudzwa kwainge kwave kuitwa mhuri yavo kusanganisira Amai vavo, munin’ina wavo pamwe neshamwari dzavo nemauto.

Vatiwo magweta avo akaenda kumapurisa eLaw and Order kakawanda mushure mekunge mutauriri wemapurisa, Amai CharityCharamba, vaudza vatori venhau kuti VaBiti vaidiwa nemapurisa.

Asi vati mapurisa akavaudza kuti vainge vasina nyaya navo.

Asi vati vakaramba vachishungurudzwa uye mumwe musi vakatomboda kupambwa nevanhu vainge vaine motokari dzisina manumber.

Vati magweta, shamwari dzavo pamwe nevamiriri vedzimwe nyika dzemuAfrica vakavakurudzira kuti vabude munyika uye vakaona zvakakodzera kuenda kuZambia sezvo iri iyo iri pedyo kudarika dzimwe nyika dzese.

Vati ivo nevamwe vavo vakasvika paChirundu Border Post neChitatu mangwanani negweta ravo vachibva vatotsvaga hupoteri zviri pamutemo.

Vati mushure mechinguvana pakuuya vanhu vakawanda kubva kudivi reZimbabwe vavanofungiura kuti masoja pakava nekurwisana kukuru kwakazopindirwa nevanhuwo zvavo izvo zvakozoita kuti mapurisa ekuZambia aende navo kunovachengetedza kumahofisi avo.

Vatiwo mushure meizvi magweta avo kuZambia akabva aenda kumatare uko akawana mutongo wekuti vagare muZambia uye kuti vanomiswa kudare repamusoro soro kuZambia neChina uye vati vakatadza kuenda kuLusaka sekuronga kwavo sezvo mauto emuZimbabwe aida kuvabvuta nechisimba.

Vati vakashamisika nezuro vave kutorwa nechisimba nevanhu vaisanganisira masoja aive nepfuti vave kudzoka navo kuZimbabwe.

VaBiti vati Zambia yakavadzora kuno zviri kunze kwemutemo wayo newepasi rese uyewo Zimbabwe yakatyorawo mutemo wayo newepasri rese pamwe neSADC Protocol on Extradition.

Vati South Africa neNorway dzange dzvabvuma kuvapa hupoteri uye pachinhambo chekuvadzora kuZimbabwe, Zambia yaifanira kuvarega vachipfuurira kuenda kune imwe yenyika idzi.

Vati nekuda kwaizvovo havafaniri kunge vari kumira pamberi pematare emuZimbabwe.

VaAlec Muchadehama nderimwe remagweta riri kumirira VaBiti uye vanoti VaBiti havafanirwi kunge vari mudare iri.

VaBiti vanoti vari kutya zvakanyanya sezvo zviri pachena kuti mauto ndiwo ari kushungurudza veruzhinji kusanganisira vakuru vakuru veMDC Alliance.

Vaudza dare kuti nhasi chaiko vateverwa nemotokari dzisinganzwisisiki pavaenda paLunch uye vati zviri pachena kuti mapurisa haasisina simba pane zvese zviri kuitika.

Vatiwo mapurisa akatoudza magweta avo kuti haasiriwo ari kushungurudza nhengo dzeMDC Alliance uyewo varumbidza mapurisa vachiti anoita basa rawo nemazvo uye anobudiritsa magwaro awo ebasa kana achida kusunga kana kubvunzurudza munhu.

VaBiti varamba mhosva dzavari kupomerwa. Panyaya yekunzi vakazivisa zvainge zvabuda musarudzo, VaBiti vati havana mhosva yavakapara sezvo vakataura zvainge zvaziviswa neZimbabwe Electoral Commission pamagwaro emaV11 ayo anopihwa kune vanenge vapinda musarudzo pamwe nekunamirwa panzvimbo dzekuvhotera.

Varambawo nyaya yekuti vakakonzera mhirizhonga vachiti ivo pachavo havaite zvemhirizhonga asi vakati mauto ndiwo ari kutoita mhirizhonga kune veruzhinji.

Dare rinotarisirwa kupa mutongo waro panyaya iyi nemusi weChitatu svondo rinouuya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG