Bhodhi rekambani yeOlivine Industries, rakazivisa neChishanu kuti kambani iyi yamira basa rekugadzira zvinhu zvakaita semafuta ekubikisa, sipo pamwe nemajharini sezvo iri kutadza kuwana mari yekunze.
Olivine Industries inoti yakatatarika gore rese ra 2018 ichitsvaga mari yekunze kuti irambe ichishanda, asi izvi hazvina kubatsira.
Kambani iyi inoti haisi kuwana rubatsiro kubva kubhanga guru renyika.
Hatina kukwanisa kunzwa kudivi reOlivine Industries, sezvo vakuru vayo vanga vasiri kudaira nharembozva dzavo.
Tatadzawo kunzwa kubhanga guru renyika kuti seyi riri kutadza kuwanira makambani mari yekunze.
Asi vachitaura neChina chapfuura, mutungamiri we Confederation of Zimbabwe Industries, Va Sifelani Jabangwe, vakati makambani emunyika ainge asarirwa nemwedzi mishoma kuti avhare zvachose, sezvo ari kushaya mari yekunze yekutenga zvinhu zvinodiwa.
VaJabangwe vakatiwo dambudziko guru riripo nderekuti makambani emunyika haasi kuwana rutsigiro rwemari yekunze kuitira kuti akwanise kutenga zvinhu zvakakosha avinodiwa mukugadzira zvinhu muZimbabwe.
Kambani yeUnited Refinaries inotiwo iri kungoshanda kwemazuva gumi chete pamwedzi nepamusana pekushaikwa kwemari yekunze.
Vaimbove mukuru wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries uye vari mukuru wekambani ye United Refineries, VaSibusisa Moyo, vanoti kuvharwa kwemakambani idambudziko guru nekuti vanhu vakawanda vacharasikirwa nemabasa.
Facebook Forum