Accessibility links

Breaking News

OK Zimbabwe Yopa Homwe yaMeya weHarare Rubatsiro Rwekupa Varombo


Meya weHarare VaHerbert Gomba
Meya weHarare VaHerbert Gomba

Vamwe vanoshaya muHarare vave kupinda muna 2020 vachinyemwerera mushure mekunge kambani yeOk Zimbabwe yapa masangano anobatsira vanoshaya chikafu nezvimwe pasi pehomwe yeHarare Mayor’s Cheer Fund.

Vachituara pane chimwe chitoro chavo muHarare meshure mekutambidza meya weHarare, VaHebert Gomba chikafu nezvimwe zvinhu zvekushandisa, mukuru wekambani yeOK Zimbabwe, VaAlex Siyavora, vati gore negore kambani yavo inoita izvi senzira yeku rerutsira vanoshaya panguva ino apo veruzhiinji vanenge vachifara nekupembeera nehama neshamwari.

Vati kambani yavo inoita izvi mumaguta madhorobha nenzvimbo dzese dzainoshandira senzira yekubatsira vaya vasina chekubata panguva ino.

VaGomba vatenda zvikuru makambani akaita seOK Zimbabwe ayo vati anobatsira kanzuru nechikafu nezvimwe zvekupa kune vanoshaya pamazuva eKisimusi negorezva.

Vatiwo homwe yavo yeMayor’s Cheer Fund haichamirira kimisimusi chete sezvo vanhu vachitambura gore rese.

Vachitaura vakamirira musha weBoka reDonhodzo wekuHighfiled uyo unochengeta vakwegura, Amai Emilia Mkaratigwa, vatenda VaGomba neOK Zimbabwe nekuratidza rudo panguva ino vachiti chikafu chavawana chichabatsira zvikuru pamusha wavo.

Nhengo yeZimbabwe Albino Association, Emmaculate Paidamoyo Chitsunza, anoti afara nezvaitwa nehomwe yaMayor’s Cheer Fund.

Mamwe masangano awana Rubatsiro nhasi anosanganisira Tose Respite Care Centre, Jairos Jiri Southerton, Wheelchair Bound neHarare Children’s Home.

Homwe yeMayor’s Cheer Fund, ihomwe inotambira rubatsiro runosanganisira chikafu, mbatya mari nezvimwe kubva kumakambani nemasangano akasiyana uye zvese izvi zvinozopihwa kumasangano anoriritira vanoshaya nameya weguta.

Gore rino rino homwe iyi yakatsigirwa nemari inodarika zviuru mazana maviri zvemadhora.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG