Accessibility links

‘Njuzu’ Dzotadzisa Mabasa Kuvakwa kweMadhamu

  • Violet Gonda

Gurukota rezvemvura, Va Sam Sipepa Nkomo, vanoti njuzu dziri kutadzisa kuvakwa kwemadhamu mumatunhu eMidlands neManicaland.

Vachitaura pamberi pekomiti yedare reseneti inoona nezvemvura, VaSipepa Nkomo vakati vashandi vari kuvaka, kana kugadzirisa madhamu, vari kuramba kudzokera kunzvimbo dzavanenge vachishandira vachiti vari kuona njuzu munzvimbo idzi.

VaSipepa Nkomo vanoti kunyange hazvo ivo pachavo vasingawirirane nepfungwa dzekuti njuzu dzinotadzisa kuvakwa kwemadhamu, hapana zvavangaite kana vashandi vemubazi remvura pamwe nemakanzuru vachiwirirana nepfungwa idzi.

Nepamusana pedambudziko iri, VaSipepa Nkomo vanoti madzishe ava kugadzirira kuita mabira munzvimbo idzi, kuitira kuti njuzu idzi dzisaonekwa zvakare nevashandi vanenge vachigadzira madhamu.

XS
SM
MD
LG