Accessibility links

America Yoferefeta Kuurayiwa kweVanhu Vasere muNew York neAnopfurikidzwa Mwero Achitsigira ISIS


Mapurisa Anoongorora Motikari yakashandiswa kuuraya Vanhu Vasere muNew York City nemusi weChipiri.

Vanhu vasere vakaurayiwa vamwe gumi nevatatu vakakuvara mushure mekunge mumwe murume anofungidzirwa kuti anotsigira vanopfurikidza mwero veIslamic State, kana kuti ISIS, avadhuma nemotokari muguta reNew York.

Anofungidzirwa kuti anopfurikidza mwero uyu, Sayfullo Saipov ane makore makumi maviri nemapfumbamwe ari mugari wemuAmerica akabva kunyika yeUzbekistan. Anonzi akatyaira motokari yake mumugwagwa unofamba nemabhasikoro.

Pane vanhu vakashaya pane vashanyi vashanu kubva kuArgentina, mumwe wekuBelgium uye vaviri vemuAmerica.

Saipov akazopfurwa mudumbu nemumwe mupurisa uye anonzi ari kupa humbowo kumapurisa pari zvino. Mapurisa anoti akawana tsamba mumotokari make iyo akanyora achiti anotsigira ISIS.

mapurisa akachengetedza vanhu muNew York
mapurisa akachengetedza vanhu muNew York

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vati vanoda kuferefeta zvakasimba vanhu vanouya kuzogara muAmerica vachibva kune dzimwe nyika.

Hapana anoziva kuti pane vakakuvara pane chizvarwa cheZimbabwe here sezvo mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG